Accessibility links

Breaking News

Mari Itsva Yotanga Kushambadzwa neMuvhuro


gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), Doctor John Mangudya.
gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), Doctor John Mangudya.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinonzi rakazivisa kuti kutanga neMuvhuro riri kuburitsa mifananidzo yemari itsva inotarisirwa kutanga kushandiswa munyika mwedzi uno.

Bepanhau reSunday News rinoti mukuru webhanga iri, Doctor John Mangudya, vakazivisa kuti mifananidzo yemari yepepa inoita madhora mashanu pamwe nemifananidzo yemari yesimbi yemadhora maviri ichange ichitanga kushambadzwa munyika yose senzira yekuti veruzhinji vave neruzivo rwemamiriro achange akaita mari idzi.

Izvi zvinonzi zvichabatsira kuti veruzhinji vasazoita dambudziko kana mari idzi dzichinge dzave kutanga kushandiswa munyika.

VaMangudya vanonzi vakati danho rakatorwa nebhanga guru iri rekuisa mari itsva kuti ishande pamwechete neiripo pari zvino yemaBond Note neRTGS, richabatsira zvikuru kurerutsa matambudziko ekushomeka kwemari.

Asi nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera,vanoti nguva yapiwa vanhu kuti vadzidze nezvemari itsva idzi iduku zvikuru.

VaKuchera vanoti havasi vanhu vese vachange vachizokwanisa kuwana mifananidzo mitsva iyi kuburikidza nemapepanhau, vachiti dai zvaibvira mari idzi dzaishambadzwawo kuburikidza nekumabhanga.

VaKuchera vanotiwo havawirirane nepfungwa yekuti mari idzi dzicharerutsa dambudziko remari munyika, sezvo chiri kukonzera dambudziko iri iri nyaya yekuti vanhu havasi kuendesa mari kumabhanga nekuda kwekuti havana chivimbo nemabatirwo emari dzavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG