Accessibility links

Breaking News

R-B-Z Inoti Mabhanga Atanga Kutora Mari Itsva


Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya
Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinoti mabhanga atanga neMuvhuro kutora mari itsva kubva kubhanga guru iri paine tarisiro yekuti veruzhinji vanogona kutanga kuwana mari idzi kubva kumabhanga avo kutanga neChipiri.

Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya, vanoti mamwe mabhanga atora mari dzawo mangwanani chaiwo zvekuti anogona kunge anga otopa veruzhinji mari idzi pakudoka kwezuva neMuvhuro.

Vanoti mabhanga atanga kutora mari itsva dzose dziri nhatu, dzinoti madhora maviri endarama, madhora maviri epepa pamwe nemadhora mashanu epepa.

Asi vanhu vakawanda munyika vanonzi vanga vachiti vachakamirira kuwana mari idzi nemaziso matsvuku.

Doctor Mangudya vanoti bhanga ravo richadira mari itsva inosvika bhiriyoni imwechete yemadhora mukati memwedzi mitanhatu senzira yekurerutsa dambudziko remari munyika.

Asi vanoti vari kukurudzira veruzhinji kuti vachengetere mari dzavo kumabhanga kuitira kuti nyika isaramba ichisangana nedambudziko rekushomeka kwemari.

Hurukuro naDoctor John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG