Accessibility links

Breaking News

Mari Itsva Yotarisirwa Munyika Mukati meMasvondo Maviri


Dr John Mangudya At Parliament
Dr John Mangudya At Parliament

Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, razivisa kuti richadhinda mari itsva ichange ichishandiswa mumabhanga serimwe rematanho ariri kutora mukugadzirisa nyaya yekushomeka kwemari munyika pamwe nekugadzirisa zvinhu mumabhanga nemisika yemari munyika.

Gavhuna webhanga iri, zvakare vari sachigaro vekomiti yebhanga iri inoona nezvekufambiswa kwemari, yeMonetary Policy Committee, Dr John Mangudya, vati mari iyi inosanganisira madhora maviri emakoini nemadhora mashanu ebepa ichange yave mumabhanga mukati memasvondo maviri ari kutevera.

Vachitaura mumushure memusangano wekutanga weMonetary Policy Committee, VaMangudya vati komiti yavo haisi kufara kuti mumaabhanga hamuna mari inokwanira munhu wese ndosaka vatora danho rekuunza mari itsva.

VaMangudya vatiwo vari kuwedzera mari pamusika wemari yekunze kana kuti Interbank Rate vachiti matanho aya achederedza mitengo yezvinhu.

VaMangudya vatiwo pane mari yakawanda isina zvairi kushandiswa yakangogara mumabhanga uye komiti yavo yatora danho rekuti mari iyi ishandiswe pakurima pamwe nekugadzirisa zvinhu kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Vaenderera mberi vachiti pamari yose iri mumabhanga munyika, mabhirioni gumi nemapfumbwamwe emadhora, makambani makumi mashanu chete ndiwo ane zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemari iyi.

Munguva pfupi yapfuura, RBZ yakavhara maAccounts emakambani akaita se Sakunda, Croco neAccess Finance achinzi aishandisa mari zvisina tsarukanao uye afaingudzirwa kuti ndiwo aiita zvekutenga nekutengesa mari pamusika mutema.

Sachigaro vesangano rinomirira mabhanga munyika, reBankers Association of Zimbabwe, VaWebster Rusere, vati semaonero avo, Monetary Policy Committee yabuda nematanho akanaka chose.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti danho rekuwedzera mari mumabhanga rakanaka chose asi sezvo vanhu vange vatambura nekutengeserwa mari nemakoronyera.

Vaenderera mberi vachiti zvakakosha kuti bhanga guru renyika ritorewo matanho anoshaisa makoronyera anotengesa mari mukana wekuramba achiomesera vanhu.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti nyika inofranirwa kungwarira kuti munyika musawanzwe, akana kudhinda mari inodarika hupfumi hwenyika, sezvo izvi zvichikonzera kuparara zvakanyanya kwesimba remari munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG