Accessibility links

Breaking News

Meya Mutsva weBulawayo, VaSolomon Mguni, Vokurudzira Kusaita Rusarurarudzi


Bulawayo Council Meeting
Bulawayo Council Meeting

Vachangosarudzwa sameya mutsva weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vari kukurudzira vagari kuti vasaite zverusaruro pachishandiswa zvemarudzi vachiti kubatana nekushanda pamwe chete ndiko kunoita kuti guta ravo rive nebudiriro.

Vanhu vane chitsama vange vachitevera sarudzo dzameya nemutevedzeri wake vachiona paterevhizheni yange yakaiswa muLarge City Hall vapembera nemufaro mushure mekunge VaMguni vakunda VaNorman Hlabano pasarudzo yameya weguta.

Musarudzo yameya nemutevedzeri wake yaitwa neChishanu muBulawayo, VaTinashe Kambarami ndivo vasarudzwa kuve mutevedzeri wameya mushure mekukunda VaMalandu Ncube.

Mumashoko avo ekutambira chinzvimbo chehumeya, VaMguni avo vanove gweta, vakurudzira vagari vemuBulawayo kuti vasapatsanurane kuchitariswa zvemarudzi vachiti zvizvarwa zvose zvemuZimbabwe zvine kodzero yekuve vagari venzvimbo ipi neipi zvayo munyika pasina kutarisirana pasi.

Mumashoko avo ekutambira kuvhoterwa kwavo semutevedzeri wameya, VaKambarami, avo vanove muzvinabhizimisi, vatenda vamwe vavo asi vati vange vasina zvakawanda zvekutaura sezvo vange vachiri vakabatwa nemufaro wakawanda.

Mudzviti wedunhu reBulawayo vanove ivo vange vachiitisa sarudzo vati vafara nekuti zvinhu zvose zvafamba zvakanaka.

Mushure mekudomwa kwaVaKambarami semutevedzeri wameya vamwe vagari vange vachitevera zvange zvichiitika vari muCity Hall varatidza kusafara sezvo vange vachitarisira kuti VaNcube ndivo vachakunda.

Sarudzo yameya muBulawayo yange iine mutauro sezvo vamwe vagari kusanganisira dzimwe nhengo dzebato reMthwakazi Republic Party, vange vachiti havazi kuzotambira meya werudzi rwechiShona.

Vakawanda vari kuratidza kushamiswa zvikuru nedanho renhego dzeMRP idzi sezvo dzakakundwa musarudzo yemakanzura muBulawayo, asi pari zvino dzichionekwa dziri mberi mukuda kupatsanura vanhu pachishandiswa marudzi.

Mumwe mugari, VaKillion Dube, vakurudzirawo veruzhinji kuti vatambire zvabuda musarudzo sezvo vasarudzwa ava vakavhoterwa neveruzhinji.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG