Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimJustice Ronetsekana neMabatirwo Ari Kuitwa Vashandi Vakagumurwa Basa


VaTendai Reuben Mbofana, veZimbabwe Network for Social Justice
VaTendai Reuben Mbofana, veZimbabwe Network for Social Justice

Vamwe vashandi nevamwe vakagumurwa pabasa pakambani mbiri, Guardian Security ne Velyscin Security, vanoti havasi kupiwa mari dzavo izvo zvakaita kuti vatsvage rubatsiro kusangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Network for Social Justice (ZimJustice).

Vamwe vevashandi ava vanoti vave nemwedzi inopfuura gumi nemina vasina kupiwa mari dzavo asi vachingovimbiswa kuti vachagadzirirwa mari dzavo, izvo zvavanoti hazvisi kuitika.

Mumwe wevashandi ava, uyo aramba kudomwa nezita achityira kuti zvingazovhiringidza kupiwa kwake mari yake, anoti vanhu vanotya kunomhangara nekuti vanotyira kuti vangozoshaya mari iyi zvachose.

“Kambani iyi ine mwedzi gumi nemina yemari yangu yaisina kubhadhara. Vakambotibhadhare bhadhare gore rapera asi ikozvino vave kuti Havana mari,” mumwe wevashandi ava audza Studio7.

“Zuva ravakange vatiudza kuti tizotora mari yedu rakasvika rikapfuura asi hapana chatakawana.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoona nezvezvirongwa zvesangano re Zimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Rueben Mbofana, vanoti vakaedza kutaura nevakuru vemakambani aya vakavimbiswa zvisina kuitika.

Vanotizve sangano ravo riri kukumbira mamwe masangano, zvikuru emagweta, kuti abatsire vashandi ava pachena kuitira kuti vapiwe mari dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG