Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoenda Kunokwikwidza Mitambo ye2019 Africa Netball Championships


Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Chikwata chenyika chemutambo wenetball chemaGems chiri kunanga kuSouth Africa kumakwikwi e 2019 Africa Netball Championships.

Chikwata ichi chiri kusimuka neChina chakananga kuCape Town, South Africa, kumakundano e2019 Africa Netball Championships ayo ari kutanga musi was 18 kusvika 23 Gumiguru.

Aive kaputeni wechikwata ichi kuWorld Cup, Perpetua Siyachitema, akaenda kuzororo, nzvimbo yake ichitorwa naFelistu Kwangwa uyo ari kutarisira mashiripiti zvekare kumaAfrica Championships aya.

Kwangwa ari kuvimbisa vatsigiri vechikwata ichi huchi nemukaka achiti iye kunyange hazvo South Africa ichiwanzo varemera, chinangwa chavo kudzoka kumba nemukombe uyu.

Zvikwata zvisere ndizvo zviri kusangana kumakundano aya, asi Zimbabwe iri kutarisira hondo yakasimba kubva kuSouth Africa, Malawi neUganda, idzo dzakakwikwidzawo zvine mutsindo Ku 2019 World Cup.

Zimbabwe iri mugungano reGroup A pamwe chete neUganda, Kenya neTanzania.

South Africa, Malawi, Zambia neLesotho dziri muGroup B.

Murairidzi wechikwata ichi, Ropafadzo Mutsauki, anoti vari kutarisira kubuda zvakanaka kumakundano aya sezvo chikwata chake chakabatana.

MaGems akasimudza pasi rese kuma 2019 World Cup kuLiverpool, England, uko vakapedza vari pachinhanho chechisere mu World Cup yavo yekutanga.

Zvichitevera zvavakaita kuLiverpool, vateveri vemutambo uyu muZimbabwe vari kuda mukombe wemuAfrica uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG