Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoda Kuti Zec Ivandudzwe


MDC party spokesman Douglas Mwonzora (S. Mhofu)
MDC party spokesman Douglas Mwonzora (S. Mhofu)

Bato guru rinopikisa munyika, reMovement for Democratic Change inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, rapedza kugadzira hwaro hwekusarudza vachamirira bato iri musarudzo dza2018.

MDC-T yazivisawo kuti ichaumba mubatanidzwa nemapato ane vatsigiri vakawanda kwete nemapato ese ese.

Munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 mushure memusangano weNational Council yebato ravo kuti VaTsvangirai vapihwa basa rekuti bato iri ribatane nemapato api musarudzo dza2018.

Vati bato ravo richakwikwidza pasarudzo dzemutungamiri wenyika, paramende pamwe nemakanzura.

VaMwonzora vatiwo musangano wavo wazeya nzira dzishandiswa nebato kuti rikunde musarudzo pamwe nezvimwe zvakawanda wanda zvarinofanirwa kuitwa.

Vatiwo bato ravo richaramba richitsigira zvirongwa zveNational Electoral Reforms Agenda, Nera, uye richaramba richishanda kuti vakuru vakuru veZimbabwe Electoral Commission vasiye basa sezvo vari kutadza kuita sarudzo dzakachena munyika.

Chisungo che National Council chinotevera zvisungo zvakabuda neNational Executive zvichitevera hurongwa hwaVaTsvangirai hwekusangana nezvipangamazano, madzishe pamwe nevane ruzivo rwakakosha mukufambiswa kwezvematongerwo enyika mumatunhu akasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadai, bazi revechidiki mubato iri rinoti riri kutanga chirongwa cheBereka Mwana Tiende Campaign icho chakanangana nekukurudzira vabereki kuti vaone kuti vana vavo vatora zvitupa pamwe nekunyoresa kuvhota musarudzo dzegore rinouuya.

Munyori wevechidiki mudunhu reHarare muMDC-T, VaDenford Ngadziore, vanoti vaberekei vane mitoro yekuramba vachichengeta vana vakura uye dambudziko iri rinogona kupera chete kana vana ava vakavhota musarudzo.

VaNgadziore vanoti chirongwa ichi chichapurruwa mumusha weMufakose muHarare chakanangana nevabereki pamwe nevechidiki vese kubvira pamakore gumi nemanomwe zvichikwira.

Mutevedzeri weanoona nezvekuburitswa kwemashoko muHarare, Muzvare Bridget Nyandoro, audza Studio 7 kuti chirongwa cheBereka Mwana Tiende chakananganawo nemadzimai echidiki.

Vachinyora mugwaro ravo kune veruzhinji, mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai, Engineer Elias Mudzuri, vanoti remangwana renyika riri mumaoko evechidiki.

VaMudzuri vanoti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevanhu munyika, vanhu vari pasi pemakore makumi matatu nemashanu, vanova vechidiki. VaMudzuri vanoti vechidiki ava vakanovhota, ndivo vanokwanisa kuisa mutungamiri wavanoda pachigaro chekutungamira nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG