Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Haisi Kuzopinda Mugungano RePOLAD


VaTawanda Dzvokora
VaTawanda Dzvokora

Mapato ezvematongerwo enyika ari mugungano re Political Actors Dialogue, kana kuti POLAD, anoti anoda kuita misangano nemasangano ekunze kwenyika anosanganisira SADC, African Union, European Union nenyika dziri mumubatanidzwa weUnited Nations kuti atsanangure zvavari kuita.

Mutevedzeri wemutungamiriri weMDC-T, VaObert Gutu, vaudza bepanhau reHerald kuti nhengo dze POLAD dzinoda kubatsira hurumende mukuona kuti zvematongerwo enyika pamwe chete nekupindudzwa kwe bumbiro remitemo zvaitwa.

Asi sachigaro weMDC North America inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaTawanda Dzvokora, vanoti bato ravo harineyi nezviri kuitwa nePOLAD nekuti rinoziva zvinodiwa nevanhu.

VaDzvokora vanoti POLAD haigoni kubudirira nekuti irikubatsira hurumende mukuita zvese zvisingadiwi nevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG