Accessibility links

Zimbabwe neDzimwe Nyika muAfrica Hadzibudirire Pasina Humhizha?

  • Blessing Zulu

Sangano reAfrican Capacity Building Foundation, kana kuti ACBF, nemusi weChipiri rakaburitsa gwaro ra2017 rinoongorora nyaya yezvehumhizha munyaya yebudiriro munyika dzemuAfrica.

Asi gwaro iri riri kuburitsa pachena kuti nyika dzemuAfrica dziri kungotaura nezvekukosha kwehumhizha kana kuti science and techonology asi hadzisi kutevera zvadzinenge dzati dzichaita.

Gwaro iri rakaparurwa muHarare nekune dzimwe nyika.

Vachitaura pachiitiko ichi, munyori mubazi rezvedzidzo yepamusoro, VaMachivenyika Mapuranga, vakatenda kuti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa munyaya dzehumhizha kuti Africa neZimbabwe dzibudirire.

Mukuru we ACBF, Doctor Thomas Munthali, vanoti hapana kana budiriro ingaitwa muAfrica kana nyaya dzehumhizha dzisina kutambirwa.

Vaimbova gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, Muzvinafundo Heneri Dzinotyiwei, vatenda kuti muZimbabwe, sekune dzimwe nyika, ichokwadi kuti muromo hauzarirwe nerwizi.

Muzvinafundo Dzinotyiwei vati hurumende iri kumboyedza hayo kuisa zvidzidzo zvehumhizha zvakaita chescience, technology, engineering and mathematics kana kuti Stem, asi hazvina kunyatsojeka.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, avo vati varairidzi vezvirongwa zvakaita seStem havasi kuwana dzidzo yakakwana.

Dr Zhou vatendawo kuti hurumende haina zviga zvakajeka zvainoda kudzika pazvirongwa zvayo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vati ichokwadi kuti hurumende iri kutatarika pakushandisa humhizha mukufambiswa kwemashoko. Doctor Mugano vapa semuenzaniso chirongwa cheZimasset icho vati chinokurudzira humhizha asi hapana zvisungo zvakajeka.

Doctor Mugano vatiwo nyaya yekusagadzirisa zvinhu munyaya dzehumhizha ndiyo inopa kuti Africa isarire kumashure segotsi zvichienzaniswa nenyika dzakaita seChina neAmerica.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe ichiri kutatarika kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uye zvirongwa zvayo hazvisi kufamba zvakanaka. Makambani akawanda ari kuvharwa ukowo vanhu vachitadza kutora mari dzavo mumabhanga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG