Accessibility links

Breaking News

VaMadhuku Vorumbidza Zvikuru VaRamaphosa


Professor Lovemore Madhuku VeNational Constitutional Assembly
Professor Lovemore Madhuku VeNational Constitutional Assembly

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Professor Lovemore Madhuku, vanoti vanhu vasatarisira kuona mutsauko mukuru pakati pekudyidzana kwe South Africa ne Zimbabwe nekuti nyika iyi yava nemutungamiri mutsva, VaCyril Ramaphosa.

VaMadhuku vanoti vatungamiri veSouth Africa vanotevedza gwara rebato ravo kana vava pazvigaro.

VaMadhuku vanotiwo zvinhu zvinofadza kuona zviri kuitika muSouth Africa uye varumbidza VaRamaphosa semunhu anonzwisisa kutambudzika kwevanhu.

“VaRamaphosa ndeumwe wevakashanda nesimba guru. Muna 1994, ndiye akasarudzwa kuti amirire ANC muhurukuro dzekuumba bumbiro remitemo munyika imomo. Vakashanda nesimba,” VaMadhuku vaudza Studio 7.

VaMadhuku vati pane nguva yavaitofungidzirwa kuti VaRamaphosa vaifanirwa kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika pakazopinda VaThabo Mbeki.

"Saka munhu ane nhoroondo yakakura mukushandira vanhu,” vadaro VaMadhuku.

Hurukuro naVaLovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG