Vanotungamira nhabvu ve Zimbabwe Football Association, Zifa, vanoti vane hurongwa hwakasimba hwekugadzirira chikwata chemaWarriors chisati chasimuka kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations.
Mutungamiri weZifa, VaPhillip Chiyangwa, vanoti varonga mitambo yehushamwari yakasimba nezvikwata zvine mukurumbira muAfrica zvinosanganisira Cameroon, Ivory Coast, Libya, pamwe neMali senzira yegadziriro yechikwata chenyika icho chiri kuenda kumakundano eAfrica Cup of Nations.
VaChiyangwa vanoti mutambo wekutanga wemaWarriors wehushamwari ndeuyo uriko nechikwata chine mukombe weAfrica Cup of Nations cheIvory Coast musi wa 26 Zvita kuAbidjan.
VaChiyangwa vanoti vapa murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, mukana wekuunza vatambi vese vaanoda kubva kumativi mana ese epasi rose vachiti ivo veZifa vari kuzvipira kubuditsa mari yekuunza vatambi ava kuti Pasuwa asarudze vatambi vaanoda kuenda navo kumakundano emuAfrica.
Zimbabwe iri mugungano rakaoma pamwe chete neAlgeria, Tunisia ne Senegal. Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakundano aya.
VaChiyangwa vanoti negadziriro yakasimba yavari kuitira maWarriors, hapana chimwe chavari kutarisira kunze kwekubudirira vachiti ivo vachatora matamho makukutu kana chikwata ichi chikakundikana.
Asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association vaMordecai Musanhi, vane chivimbo naPasuwa zvekuti vanofunga kuti achaendesa chikwata ichi kusingatarisirwe neruzhinji.
Vaimbove mubati wehomwe weCaps United, VaMorton Dodzo, vanoti change chichinyanyonetsa kumaWarriors inyaya dzemari vachiti ivo sezvo yavepo vari kuona maWarriors achitamba nemoyo wese.
Zvakamira zvakadai, mumutambo wekupemberera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe kweHighlanders, Bosso nezuro yakarohwa 3-2 neDynamos mumutambo wakakwezva vanhu zviuru zvishanu muBarboufields Stadium.
Mutambo uyu waive wapera uri mangange 2-2 zvikwata izvi ndokuzoenda kumapenereti kuti pawanikwe anokunda.
Aka ndekechitatu gore rino zvikwata izvi zvichisangana.
Highlanders yakakunda mumitambo yese miviri yePremier Soccer League, Dynamos ndokukunda mumwe chete wemhemeberero uyu.
Mune imwewo nyaya, makundano eUefa Champions League asvika padanho rinonakidza zvikuru mushure mekunge zvikwata masikati zvabatanidzwa neMuvhuro mukusangana kwazvo munharaunda yechipiri.
Zvikwata gumi nezvitanhatu ndizvo zvasara mumakundano aya kusanganisa Real Madrid iyo ine mukombe uyu uyezve yabatanidzwa kusangana neNapoli yekuItaly.
Mumibatanidzwa yaitirwa kuZurich muSwitzerland, zvimwe zvikwata zviri kusangana ndeizvi.
Manchester City v Monaco
Benfica v Borrusia Dortmund
Bayern Munich v Arsenal
Porto v Juventus
Bayer Lverkussen v Atletico Madrid
PSG v Barcelona
Sevilla v Leicester
Mitambo iyi ichatambwa musi wa 14 na 15 Kukadzi.
VeUefa vabatanidza zvekare zvikwata zvemuEuropa League apo Manchester United yapihwa St Ettiene yekuFrance.
Mimwe mitambo iri kuratidza kuti ichanakidza ndeiyi
Anderlecht v Zenit St Petersburg
Villareal v AS Roma
Celta Vigo v Shakhtar Donetski
Olympiakos v Osmanlispor
Gent v Tottenham Hotspurs
Borrusia Monchelabach v Fiorentina
Rostov v Sparta Prague.
Sparta Prague yekuCzech Republic ndiyo inotambirwa nemutambi wemaWarriors, Costa Nhamoinesu.