Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNhabvu Chotambira Kunze kweNyika Mitambo Yacho yePamusha


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Vakawanda vanotevera nhabvu munyika vari kuchema zvikuru nedanho rinonzi rakatorwa neConfederation of African Football, CAF, rekurambidza kuti nhandare dzemunyika dzose dzitambirwe nhabvu yepamusoro.

Danho iri richaita kuti chikwata chenyika chemaWarriors chitambe mutambo wacho neAlgeria mukupera kwedzi unouya kunze kwenyika.

Danho reCAF iri rinotevera ongororo yakaitwa nechikwata cheCAF chakapinda munyika muna Mbudzi gore rapera kuzoongorora nhandare dzese dzemunyika.

Gwaro rakaburitswa nechikwata ichi muna Zvita rakakomekedza kuti nhandare nhatu dzemunyika dzinoti National Sports Stadium, Barbourfields neMandava dzigadziriswe.

National Sports Stadium neMandava dzakanzi dzisashandiswa zvachose, asi Barbourfields yakanzi ishandiswe asi ichigadziriswa.

Kusagadziriswa kwenhandare idzi kwazosvitsa kuti CAF itore danho rekuti hapana nhabvu ichatambirwa munyika.

Mutambi wenhabvu akamboita mukurumbira munyika, Alois Bunjira, anoti zvaitika izvi zvinodzorera nhabvu yemunyika kumashure.

Bunjira anoti Zimbabwe inofanirwa kuremekedza zvinenge zvatarwa neCAF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti seyi nhandare ye National Sports Stadium isati yagadziriswa sezvakataurwa neCAF.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG