Accessibility links

Breaking News

National Patriotic Front Inoti Inowirirana nePfungwa neZvinangwa ZveMDC Alliance


MDC ALLIANCE vachifora muHarare

Mutauriri webato rinopikisa reNational Patriotic Front, NPF, VaJealousy Mawarire, vanoti bato ravo rinotenderana nepfungwa nezvinangwa zve MDC Alliance ndosaka vakaenda kunofora navo.

VaMawarire vanoti kufora kwakaitwa neMDC Alliance neZanu-PF kunofanira kuva kwakanyadzisa maBritish nekuti kufora uku kwakanyatsoratidza kuti tsigiro yaVaMnangagwa iri kuBritain chete asi yaVaChamisa iri muZimbabwe.

“Mukangotarisa zvakaitika pakufora, zviri pachena kuti vana veZimbabwe havadi hutongi hwemauto. Vana veZimbabwe vave kuda kuti vechidiki vakaita sanaVaChamisa vachimanya vachigadzirisa nyika; vachigadzirisa zvange zvakaminama,” VaMawarire vanodaro.

“Makaona vanhu vashoma vakaenda kunofora neZanu-PF zvinoratidza kuti vanhu havachadi nokuti vaneta nechihurumende chaVaMnangagwa.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG