Accessibility links

Breaking News

NPF Inodzinga Mutungamiri Wayo VaAmbrose Mutinhiri


VaAmrose Mutinhiri

Maita kurwisana kunotyisa mubato reNational Patriotic Front sachigaro webato iri, Amai Eunice Sandi Moyo, vachiti vadzinga mutungamiriri webato iri, Rt Brigadier Ambrose Mutinhiri nenyaya yekusagona basa pamwe nekushanda nevamwe vanofungidzirwa kuti vanoshanda nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa. asi VaMutunhiri vanoti Amai Moyo nechikwata chavo vatozvidzinga mubato nekuda kwazvavita.

Vachitaura nevatapi venhau neChishanu muHarare, Amai Moyo nechikwata chavo chinosanganisira mutauriri webato iri, VaJelousy Mawarire, munyori, VaShadreck Mashayamombe, pamwe naVaJappy Jaboon, vati chisungo chekudzinga VaMutinhiri chakaitwa pamusangano wavakaita neChina.

VaMawarire, avo vakapinda musangano wanezuro vanoti rimwe danho rakatorwa pamusangano uyu nderekuti nhaurirano dzekupinda muMDC Alliance dzipedzwe nekukasika.

Imwe nyaya iri kupomerwa VaMutinhiri inyaya yekushanda naVaSaviour Kasukuwere mukuedza kuvhiringa musangano wanezuro.

Asi vachitaura nevatori venhau nhasi masikati, VaMutinhiri vati hapana chinovatadzisa kutaura naVaKasukuwere sematauriro avanoita nemunhu wese munyika.

VaMutinhiri vatiwo hapana anokwanisa kuvadzinga mubato iri sezvo vatungamiriri vese vari mubato iri vakasanobata zvigaro uye vachifanira kuti vaende kumusangano mangwana muHarare kuti nhengo dzebato iri dzivaise pazvigaro izvi zviri pamutemo.

Vakasanobata chinzvimbo chekuronga misangano muNPF uye vari muchikwata chaVaMutinhiri, VaJimu Kunaka, vati Amai Moyo, VaMawarire nevamwe vavo vatozviburitsa mubato nekuda kwezvavaita.

VaKunaka vati Amai Moyo havana mvumo yekubvisa VaMutinhiri pachigaro chavo.

VaKunaka naVaMutinhiri vatiwo NPF haisati yatora danho rekupinda muMDC Alliance vachiti musangano wemangwana ndiwo une simba rekuita izvi.

Vati Amai Moyo nevamwe vari kuronga kuti mukadzi wevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe vave mutungamiriri weNPF uyewo kuti vapihwe chigaro chemutevedzeri wemutungamiriri weNPF.

Sachigaro weNPF kuMasvingo, VaAmasa Nhenjana, vati kana MDC Alliance ikatambira Amai Mugabe nechikwata chaAmai Moyo inenge yavabatsira chose.

Hatina kukwanisa kutaura naVaKasukuwere naAmai Mugabe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Runhanya, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo zvakanaka kuti mapato anopikisa aite mushandira pamwe mukubvisa hurumende yeZanu PF musarudzo, zvakakosha kuti ichenjerere vanhu vanobva kuZanu PF.

Mutauriri weMDC Alliance, Professor Welshman Ncube, vaudza Studio 7 kuti mubatinidzwa wavo unoda kushanda nani nani zvake ane chinangwa sechavo chekupedza hutongi hwemauto neZanu PF munyika.

Vati zviri kuitika muNPF zvinosuwisa uye tariro yavo ndeyekuti bato reNPF richabatana rokwanisawo kushanda navo muAlliance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG