Accessibility links

Breaking News

Musangano Pakati peHurumende neVashandi Vayo weNJNC Unotadza Kuburitsa Chimuko


Vashandi vehurumende vari kuda kuti vabhadharwe mihoro yavo nemari dzekuAmerica.
Vashandi vehurumende vari kuda kuti vabhadharwe mihoro yavo nemari dzekuAmerica.

Musangano wanga wakatarisirwa zvakanyanya pakati pevamiriri vehurumende nevamiriri vevashandi vehurumende wekuzeya nyaya dzemihoro nemashandiro evashandi vehurumende, weNational Joint Negotiating Council, NJNC, waitwa muHarare neChishanu asi unonzi hauna chawaburitsa.

Vamiriri vehurumende munhaurirano idzi vanonzi vakumbira kuti vanoda nguva yekumbonopira kuvakuru vavo zviri kudiwa nevashandi vozosangana zvakare svondo rinouya.

Mutevedzeri wasachigaro vesangano riri kumirira vashandi munhaurirano idzi, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGoodwell Taderera, vanoti vashandi vaisa patafura zvavari kuda zvinosanganisira kuti mihoro yavo inge ichibhadharwa nemadhora ekuAmerica.

VaTaderera vanoti vashandi vari kudawo kuti mushandi wepasi ange achitambira madhora mazana matanhatu nemakumi manomwe nerimwe emari yekuAmerica (US$671.00) pamwedzi.

Vanoti mari yave kudiwa nevashandi iyi iri kubva panyaya yekuti mari yemunyika yemaRTGs haina chaichatenga, nekudaro vanoda kudzoserwa kumadhora ekuAmerica mazana mashanu nemakumi mana yaitambirwa muna Gumiguru 2018.

Asi vanoti nekuda kwekushaya simba kwemari kana kuti inflation mukati memakore matatu adarika, vakaona zvakakodzera kuti vachiisa mari yavanoda iyi pamadhora mazana matanhatu nemakumi manomwe nerimwe avave kuda iye zvino.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo takundikana kubata vanga vachimirira hurumende mumusangano uyu.

Asi VaTaderera vanoti iye zvino vave kumbodzokerawo kunhengo dzavo vachidzipira zvabuda mumusangano uyu vasati vasangana zvakare nehurumende svondo rinouya sezvawiriranwa.

Hurukuro naVaGoodwell Taderera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG