Nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika dziri kutarisirwa kuparurwa zviri pamutemo svondo rinouya.
Izvi zvabuda mushure memusangano waitwa muHarare nevamwe vevatungamiri vezvematongerwo enyika vakapinda musarudzo yemutungamiri wenyika kumuzinda weState House uko vagamuchidzwa zvakaunganidzwa nemakomiti mana akaumbwa kuti agadzire hwaro hwenhaurirano idzi.
Mutevedzeri wemutungamiri werimwe remapato ari kupinda munhaurirano idzi, reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vatungamiri vemapato ava vave kutarisirwa kuchitambira zvakakomekedzwa nemakomiti aya pamberi pekuparurwa zviri pamutemo kwenhaurirano idzi musi wa 17 mwedzi uno.
VaGutu vanoti makomiti aya anga achisangana nguva zhinji achikurukura pamwe nekurongwa hwaro huchateverwa urwu.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa havasi kupinda mumisangano iyi, vachiti vanoda kuita nhaurirano nemutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chete.
Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaChamisa, VaJacob Mafume, vanoti bato ravo harisi kuzopedza nguva richipinda munhaurirano nemamwe mapato asiri VaMnangagwa.
Vanotiwo bato ravo rakanyora tsamba dzakawanda kwazvo kuna VaMnangagwa kuti vaite nhaurirano naVaChamisa, asi havana kuwana mhinduro.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe vanonzi havana kupinda mumusangano uyu, asi vanga vakamirirwa nenhengo dzemapato avo.
Facebook Forum