Accessibility links

Breaking News

Vana Makumi Matatu neVatanhatu Vari Muhusungwa


Pane vana vane makore manomwe vari muhusungwa zvichitevera kuratidzira masvondo maviri apfuura
Pane vana vane makore manomwe vari muhusungwa zvichitevera kuratidzira masvondo maviri apfuura

Sangano rinorwira kodzero dzevana, reZimbabwe National Council for the Welfare of Children, rinoti harisikufara nemabatirwo ari kuitwa vana vakasungwa panguva yekuratidzira masvondo maviri apfuura.

Mukuru wesangano iri, Reverend Taylor Nyanhete, vaudza Studio7 kuti vana makumi matatu nevatanhatu, vari pasi pemakore gumi nemanomwe, vari muhusungwa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika, kusanganisira muHarare, Gweru, Epworth, Chitungwiza neBulawayo.

Mufundisi Nyanhete vati vana ava havafanirwi kubatwa sevanhu vakuru zvinove izvo zvinorehwa nemutemo yakabvumiranwa mumagwaro eUnited Nations akasinwawo neZimbabwe.

"Vana vakasungwa vanotanga pamakore manomwe kusvika pamakore gumi nemanomwe uye vana ava vakasungwa munzvimbo dzakasiyana siyana," Mufundisi Nyanhete vaudza Studio 7.

"Kusungwa kwavo nemabatirwo avarikuitwa ndizvo zvatisingafare nazvo."

Mufundisi Nyanhete vanoti Zimbabwe inofanirwa kutevedzera mitemo inochengetedza kodzero dzevana kana vari muhusungwa, vachiti parizvino ndizvo zvavari kusawirirana nehurumende.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti vana vadiki vakawanda vakasungwa mumhirizhonga yakaitika munyika mwedzi wapfuura, uye vana ava vari kutongwa sevanhu vabva zera.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanodarika chiuru vakasungwa uye vazhinji vavo vari kutadza kuwana magweta anovamirira sezvo hurumende, kuburikidza nemapurisa, isiri kujekesa kwkachengerwa vasungwa ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG