Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Bhajeti re$4.1 Billion Gore Rinouya


Hurumende inoti inotarisira kushandisa mari inosvika 4 point 1 billion dollars gore rinouya kunyange hazvo iri kutarisira kuwana mari inmoita 3 point 7 billion dollars.

Hurumende inoti inotarisira kushandisa mari inosvika 4 point 1 billion dollars gore rinouya kunyange hazvo iri kutarisira kuwana mari inmoita 3 point 7 billion dollars.

Izvi zvinoreva kuti mari iri kutarisirwa kushandiswa nehurumende inodarika nemazana mana emamiriyoni emadhora kubva pamari ichawanikwa nehurumende gore rinouya.

Izvi zvabuda pachena paturwa bhajeti regore rinouya muparamende negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

VaChinamasa vati kunyange hazvo vachitarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura ne one point 7 percent gore rinouya, zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo nyika iine matambudziko akawanda anosanganisira kugadzira zvinhu zvishoma pane zvairi kutenga kunze, kushaikwa kwemari, mihoro iri pasi, kudhura kwezvinhu nezvimwe zvakawanda.

VaChimamasa vati gore rinouya nyika ichawana mari shoma pane yayange ichitarisira.

Vati kuti vemabhizimisi vave nechivimbo nenyika ino, panofanira kuve nemitemo yakanaka inokwezva vekunze, kudyidzana zvakanaka nedzimwe nyika pamwe nerunyararo sezvo nyika yatarisana nesarudzo dzemuna 2018.

Vatiwo mvura inofanira kunaya zvakanaka kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

VaChinamasa vati sezvo mabasa ekurima ariwo anosimudzira hupfumi hwenyika chikamu chekurima pasi pechirongwa cheCommand Agriculture ndicho chichapihwa mari yebasa yakawanda kudarika zvimwe zvikamu zvese.

Command Agriculture ichapihwa $65.5 million

Bazi redzidzo yepasi ndiro richawana mari yakawanda kudarika ese.

Bazi iri richapihwa $803 million, asi semumapazi ese, mari zhinji inoenda kumihoro uye bazi iri ndiro rine vashandi vakawanda kudarika mapazi ese.

Bazi rezvemukati menyika richawana $364.308 million, rezvekudzivirwa $340.522 million, rehutano $281.976 million ukuwo hofisi yemutungamiri wenyika ichawana $175.643 million.

VaChinamasa vati vashandi vehurumende vachadya mabhiriyoni matatu emadhora kuburikidza nemihoro yavanotambiriswa gore rinouya.

Vatiwo mari zhinji ichawanikwa nehurumende ichabva kumitero, iyo ichasvika pamabhiriyoni matatu nemazana mana emamiriyoni emadhora.

VaChinamasa vazivisawo kuti vachamutsiridza chirongwa cheConstituency Development Fund gore rinouya uye mari iyi ichapihwa pasi peparamende kudzamara pave nemutemo unoona nezvemafambisirwo ehomwe iyi.

VaChinamasa vakurudzira kuti paramende itambire kuumbwa kwehomwe yezvehutano yeHealth Fund Levy, iyo vati ichabatsira kuunganidza mari yekutenga mishonga nezvekushandisa muzvipatara zveveruzhinji.

Humwe iyi ichawana mari kubva pakutengwa kwe airtime yembozhanhare.

Vatorawo matanho akawanda nekudzika mitero yekuunganidza nayo mari. Vati apo paraffin yange ichipinda munyika isina mutemo, vakaona kuti pave nemakoronyera ari kusanganisa paraffin nedhiziri izvo zvave kuita kuti hurumende ishaye mari pamwe nekuuraya mota dzevanhu.

Nekuda kwaizvozvo vati paraffin ichange yave kubhadhra mutero we40 cents parita rega rega kutanga muna Ndira gore rinouya.

Munyori anoona nezvehupfumi muMDC-T , VaTapiwa Mashakada, vati bhajeti raVaChinamasa rinoratidza kuti hapana zviripo sezvo hurumende iri kutanga gore iine chikwereti.

Asi gurukora rezvemadhorobha nematunhu, VaSavior Kasukuwere, vati bhajeti raturwa naVa Chinamasa rakanaka chose zvikurusei panyaya dzekuti vanhu vapihwe pekugara.

VaChinamasa vazivisawo kuti chikwereti chenyika kumasangano anokweretesa pasi rose chasvika pa 11.2 billion dollars.

Nhengo dzeparamende dzinotarisirwa kuzeya bhajeti raturwa naVaChinamasa nekuripasisa gore risati rapera.

XS
SM
MD
LG