Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeNational Assembly Dzinoudzwa Kuti Basa Riri Kutanga Svondo Rinouya


Parliament 6

Nhengo dzeparamende dzaungana kwenguva diki kuHarare International Conference Centre pamusangano usina kupindwa nenhengo dzeparamende dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Vachitaura pamusangano uyu, uyo usina kupindwa nenhengo dzebato guru rinopikisa reMDC, mutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, vazivisa kuti paramende ichatanga kuita basa rayo rese svondo rinouya kusanganisira kuita misangano neveruzhinji kuti inzwe pfungwa dzavo pamusoro pemabhiri ari muparamende pamwe nedzimwe nyaya dzakakosha.

VaMudenda vatiwo makomiti ese eparamende achatanga kuita basa rawo svondo rinouya pachitevedzwa gwara rekudzivirira kupararira kwehutachiona hweCoronavirus, uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Vati pari zvino makomiti masere chete ari kuongorora zviri kuitwa nehurumende pamusoro pechirwere cheCovid-19, ndiwo chete ari kuita misangano.

Vatiwo sezvo muNational Assembly musina nzvimbo dzinokwana kuti nhengo dzedare iri dzigare dzakaparadzana kwemita imwe chete sezvinodiwa pasi pemutemo wekudzivirira Coronavirus, dzimwe nhengo dzichatevera zvinenge zvichiitika mudare dziri kunze kwedare.

VaMudenda vati zvakakosha kuti nhengo dzese dziuye nemichina yechizvino zvino kana kuti matablets adzakapihwa neparamende kuti dzikwanise kutevera zvininege zvichiitika dziri kunze kwedare asi dziri panzvimbo yadzichagadzirwa pamuzinda weparamende.

Kunyange hazvo nhengo dzeMDC dzisina kuuya kudare sezvo dziri kusafara nekudzingwa kwakatwa vamwe vadzo vana mudare iri svondo rapfuura, vanokokera nhengo dzeZanu PF mudare iri, VaPupurayi Togarepi, vati vachaenderera mberi nebasa zvisinei nekuramwa kweMDC.

MDC yakabuda nechisungo chekuti nhengo dzeparamende dzayo hadzisi kuzoenda kuparamende kunoita basa zvichitevera kudzingwa kwakaitwa Muzvare Thabitha Khumalo, VaChalton Hwende, VaProsper Mutseyami pamwe naAmai Lilian Timveos muparamende neMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Mutemo unoti dare reNational Assembly rinokwanisa kugara nekuita basa kana paine nhengo makumi manomwe chete uye Zanu PF ine nhengo dzinodarika mazana maviri mudare iri.

Gurukota rinoona nezvemitemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vati rimwe bhiri rinotarisirwa kunzikwa nechimbichimbi ibhiri rekusandura bumbiro remitemo yenyika, reConstitutional Amendment Bill No2.

Pakambomira paramende basa muna Kurume nekuda kweCovid-19, paramende yainge yatoronga misangano yekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pebhiri iri mumatunhu ese munyika.

Mune imwewo nyaya, dare repamusoro rapa mutongo wekuti bazi rinoona nezvematunhu nemadhorobha pamwe nekanzuru yeGoromonzi kuti vamire kuputsa misika nezvitoro zvevanhu zvinonzi zvakavakwa zviri kunze kwemutemo kuDomboshava.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakakwidzwa kudare iri nesangano revagari vekuDomboshava, reDomboshava Residents Trust.

Gweta reDombosha Residents Trust, VaObey Shava, vaudza Studio7 kuti bazi rezvematunhu nekanzuru yeGoromonzi havana kupikisa chikumbiro cheDomoshava Residents Trust.

Sachigaro weDomboshava Residents Trust, VaTonderai Murape, vaudza Studio7 kuti vanofara nemutongo wedare uyo vati wabatsira kumisa kuparadzwa kwezvinhu zvevagari vari kutambura.

Mutongo wapihwa nedare uyu wakafanana nemimwe yakapihwa nedare iri masvondo apfuura mushure mekunge vagari vekumadhorobha akaita seChitungwiza, Chinhoyi neEpworth vaenda kudare iri vachikumbira kuti rimise kupazwa kwemisika nezvivakwa zvavanotengesera zvinhu senzira yekudzvirira kupararira kweCovid-19.

Makanzuru akawanda akatanga kuputsa misika nezvivakwa zvakavakwa zviri kunze kwemutemo mushure mekunge hurumende yaudza makanzuru kuti atore mukana kwekuvharwa kwenyika kuchenesa nzvimbo dzekutengesera kuitira kuti dzisaparadzire hutachiwana hweCoronavirus.

Asi dare repamusoro rinoti izvi zviri kuitwa pasiri kutevedza mitemo yemakunzuru inoti vanhu vanofanira kupihwa nguva yekuti vabvise zvinhu zvavo pamwe nekuvakira nzvimbo dzinokodzera kutengesera dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG