Accessibility links

Breaking News

Dare reHouse of Assembly Roshorwa neVamwe Zvichitevera Kupasisa Kwaro Bhiri Rinovandudza Bumbiro reMitemo


Les membres nouvellement élus du Parlement du Zimbabwe se préparent à prêter serment lors d'une cérémonie d'assermentation à Harare le 5 septembre 2018.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kuvandudzwa kwebumbiro remutemo kwakabudirira muNational Assembly nezuro kunodzorera shure hutongi hwejekerere pamwe nezvakasarudzwa nevanhu pavakaumba bumbiro remitemo yenyika rakatanga kushanda muna 2013.

Mukuru weZimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere, vati kuvandudzwa kwebumbiro remitemo kwakatambirwa neNational Assembly kunodzorera kumashure hutongo hwejekerere vakapa muenzaniso wekuti mutungamiriri wenyika anenge ave nemasimba ekudoma vatongi vematare kubva kumatare epasi kuenda kumatare epamusoro.

VaBere vatiwo chinonyanyovashungurudza ndechekuti bumbiro remitemo yenyika rave kutoiswa zvigamba bumbiro iri risati rashandiswa zvizere.

Mutauriri weCrisis Coalition in Zimbabwe, VaMarvellous Khumalo, vatiwo tariro yavo yange iri yekuti bumbiro remitemo yenyika ritange rashanda zvakazara risati rachinjwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere, vatiwo kubviswa kwekuvhoterwa kwevatevedzeri vemutungamiri wenyika hachisi chinhu chakanaka.

Vachitaura nevatori venhau nhasi muHarare, mutungamiriri webato rinopikisa reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vati sebato vakazeya kuvandudzwa kwebumbiro renyika vakati vakaona rine zvinhu zvakanakira vana veZimbabwe kusanganisira kuwedzerwa kwemadzimai muNational Assembly pamwe nekunzi mupinzwewo vechidiki vachiti izvi ndozvakaita kuti sebato vatsigire kuvandudzwa uku.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati vane mufaro mukuru nekubudirira kwebhiri iri muNational Assembly.

VaMugwadi vati zvakanakisa chose kuti mutungamiriri wenyika adome nekusarudza pachake vatevedzeri vake vachiti izvi zvinosimudzira runyararo mubato.

VaMugwadi vatiwo sebato vari kufarirawo mukana wekuti madzimai anopinda mudare reNational Assembly pasi pe qouta system zvichange zvichienderera mberi kwemakore gumi anotevera huyewo kupiwa mikana kwevechidiki kuti vawanewo vamiririri vavo.

Studio 7 yatadza kunzwa kubva kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe kuti hurumende yakatambira sei danho rekuvandudza bumbiro remitemo yenyika sezvo nharembodza yavo yanga isingadairwi

Nhengo dzeNational Assemmbly zana nemakumi mapfumbamwe neimwe dzakavhotera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, Constutional Amendment Bill Number 2, asi nhengo makumi maviri nembiri, dzakavhotera kusavandudzwa kwebumbiro iri.

Bhiri iri rinopa masimba mutungamiri wenyika kusarudza mutevedzeri wake pamadiro, kudoma vatongi vematare edzimhosva nezvimwe zvinonzi zvinotyora kodzerodzeveruzhinji.

Bhiri iri rinofanirwa kutambirwa neSenate kuitira kuti rashandiswe mushure mekunge mutungamiri wenyika arisaina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG