Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshanya kuNamibia kweMazuva Matatu


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa June 25, 2019. (Columbus Mavhunga/VOA)
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa June 25, 2019. (Columbus Mavhunga/VOA)

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuNamibia uko vari kushanya kwemazuva matatu.

VaMnangagwa, avo vari kuperekedzwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo chiteshe cheZimbabwe chiri kuWalvis Bay, icho chichashandiswa mukupinda kana kubuda kwezvinhu zvinenge zvauya nengarava.

Rwendo rwaVaMnangagwa urwu rwakananganawo nemusangano wechipfumbamwe wekudyidzana kwenyika mbiri idzi mune zveupfumi, we Zimbabwe-Namibia Joint Permanent Commission.

Nyika mbiri idzi dzanyorerawo zvibvumirano zvakasiyanasiyana zvakanangana nekudyidzana mune mapoka akasiyanasiyana, anosanganisira kufambiswa kwemashoko, zvehumhizha, zvemabhizimusi maduku, pamwe nezvekutengeserana.

Chimwe chibvumirano chanyoreranwa chinosanganisirawo chekudyidzana kwematunhu anoti reOkavango East rekuNamibia nereMashonaland West remuZimbabwe.

Urwu rwendo rwemutungamiri wenyika rwepiri kubva pavakatora chigaro muna 2017.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vari mudzidzisa mukuru paTswane University of Technology iri muPretoria, muSouth Africa, Doctor Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti rwendo rwaVaMnangagwa rwakanaka chose sezvo rwuchisimbisa hukama gwara huripo pakati penyika mbiri idzi.

Asi VaMukonza vanoti pazvibvumirano zvanyorerana pasi, havaone havaone zvose zvichibereka michero, sezvimwe zvakawanda zvakanyoreranwa pasi nenyika dzakasiyanasiyana kubva pakapinda VaMnangagwa pachigaro.

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG