Vagari vekwaMutare vari kutarisira zvizhinji kubva kuhurumende itsva ichange yavepo svondo rino zvichitevera kutoreswa mhiko kwemutungamiri mutsva, VaEmmerson Mnangagwa.
Vagari vekwaMutare vanoti vanotarisira kuti zvinhu zvishanduke munyaya dzehupfumi, kugara kwevanhu murunyararo, kuva nehutano hwakanaka, kupedzwa kwehuori nezvimwe zvinovakoshera muhupenyu.
Muzvare Jessie Nongerai, avo vanogadzira vanhu nzwara muguta, vanoti hurumende itsva inotarisirwa kuti igadzirise hupfumi hwenyika uhwo hwange hwave kumawere zvichitevera kutonga nedemo kwaVaMugabe kwemakore makumi matatu nemanomwe.
VaEnock Panganai vanoti huwori hwange hwaparadza nyika hunofanirwa kupedzwa zvachose nehurumende itsva.
Mumwe mugari wemuguta, VaJames Jera, vanoti vatungamiri havasungirwi kuti vagarise pachigaro sezvange zvaita VaMugabe.
VaIshamael Gweshe vanoita basa rekutengesa michero nezvimwe zvirimwa muguta reMutare.
VaGweshe vanoti vanoshuvira kuti hupfumi hwenyika hudzoke pamakare apo Zimbabwe yaive nemukurumbira muAfrica yose, mabasa achiwanikwa, mari ichibatika.
Vanorwira kodzero dzevanhu uye vari munyori musangano revagari vemuguta reMutare Residents and Ratepayers Association, VaDavid Mutambirwa, vanoti hurumende ichavepo inofanirwa kupedza hurombo muvanhu nekusimudzira maindasitiri kuti kuve nemabasa pamwe nekusungisa vose vakuru vachabatwa nemhosva dzehuwori.
Mutyairi wemotokari maMutare, VaNoel Tom, vaudza Studio 7 kuti havana zvakawanda zvavanoda kuti hurumende itsva ivaitire kunze kwekuti vechidiki vawanirwe mabasa, mari itoreke mumabhanga sakare, uye zvikoro zvinge zvichideredza mari inobhadharwa.
Vagari ava vanoti itarisiro yavo yekuti zvinhu zvichange zvakanaka munyika sezvo vachange vari muhurumende vava neruzivo rwezvinhu zvinouraya hupfumi hwenyika.
Facebook Forum