Mutewedzeri wegurukota rezvehutano pamwe nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana, Doctor Aldrin Musiiwa vakashaya nemusi weChishanu vari kuDublin, ku Ireland uko vakanga vaenda kumusangano nevamwe vebazi rezvehutano.
Vataura vakamirira mhuri, VaJoseph Musiiwa, vanove munin’ina wemufi, vaudza Studio 7 kuti mukoma wavo akanga ari murwere ainetsekana nechirwere cheitsvo.
Vati Doctor Musiiwa vakangodonha ndokushaya manheru emusi weChishanu.
VaJoseph Musiiwa vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kuti nemusi weMuvhuro mutumbi waDoctor Musiiwa uongororwe kuti chii chakavauraya kana kuti post mortem, mushure mezvo vozoronga kuti mutumbi ungadzoswa sei kumusha.
Doctor Musiiwa vakaberekerwa kuKadoma mudunhu reMashonaland West, vakadzidza paDadaya vasati vaenda kunoita zvidzidzo zvavo zvekurapa. Vakasarudzwa kumirira dunhu reChakari muparamende pasi pebato reZanu PF, vakazosarudzwa kuve mutevedzeri wegurukota rezvehutano muna 2015.
Vasiya mudzimai nevana vatanhatu, uye vanhu vakaungana pamba pavo panhamba 15 Trail kuMount Pleasant muHarare.
Facebook Forum