Accessibility links

Breaking News

Mtukudzi Anoitwa Gamba reNyika


Mtukudzi
Mtukudzi

Muimbi ane mukurumbira, Oliver Mtukudzi, apihwa ruremekedzo rwegamba nehurumende yeZanu PF.

Izvi zvaziviswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, apo vaenda kumba kwaMtukudzi kunobata maoko.

Mtukudzi apinda munhoroondo yenyika kuva muimbi wekutanga kupihwa ruremekedzo rwakadai nehurumende.

Izvi zvinoreva kuti Mtukudzi achavigirwa kumarinda anovigwa magamba, pa National Heroes Acre muHarare.

Kudomwa segamba kwaMtukudzi kunotevera matanho akatorwa nesangano rinoona nezvemitambo neNational Arts Councils pamwe nemumiriri weNorton muNational Assembly, VaTemba Mliswa, rekukurudzira hurumende kuti Mtukudzi apihwe ruremekedzo rwegamba renyika kuitira kuti avigwe paNational Heroes Acre.

Vanhu vakawanda, kusanganisira VaMnangagwa, pamwe nemutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vapinda mumunamato wekuyeuka hupenyu hwaMtukudzi, uyo akashaya muHarare neChitatu mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere cheshuga

Vaimbi vakawanda kusanganisira Thomas Mapfumo, Zex Manatsa, Alick Macheso, Nicholas Zacharia, Piki Kasamba, Mechanic Manyeruke neNicholas Zacharia ndevamwe vapinda mumunamato wekupemberera hupenyu hwaMtukudzi nhasi kumba kwake kuNorton.

Vachitaura pamunamato waitwa pamba paMtukudzi kuNorton nhasi, VaChamisa vati apo vemapato ezvematongerwo enyika vachiparadzanisa vanhu, vaimbi vakaita saVaMtukudzi vanobatanidza vanhu nenziyo dzavo.

VaChamisa vatenda Mtukudzi nebasa raakaita uye vati akabata basa guru mukubatanidza vanhu munyika.

Mumwe muimbi anezera naTuku, Zex Manatsa audza Studio7 kuti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaika kwaMtukudzi uye iye nevamwe vake vakaita saThomas Mapfumo vachendesa mberi basa rasiyiwa neTuku.

Thomas Mapfumo, uyo akashandawo naMtukudzi vari muchikwata che Wagon Wheels, ati arasikirwa zvikuru nekushaya kwaMtukudzi uye anofara nebasa raakaita panguva yake.

Vakawanda vanoti Mtukudzi akabata basa guru uye yange iri tariro yavo yekuti hurumende imuremekedze zvinokodzera.

Sangano reUNICEF, iro rakapa Mtukudzi chiremera chekuva munyarikani wavo, kana kuti Godwill Ambassador for Eastern and Southern Africa, rinoti rinobatana nevanhu vemuZimbabwe mukuchema kushaya kwaMtukudzi.

Mufi akatsikisa nziyo dzakawanda dzinodarika makumi matanhatu, uye akahwina mibairo yakawnda.

Dzimwe nziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Dzandimomotera, Paivepo, Bvuma, Nhava, Shanda nedzimwe.

Mtukudzi anozivikanwawo nefirimu rinonzi Neria, umo aive mumwe wevatambi, uye akashandisa rwiyo rwake, Neria mufirimu iri.

Mtukudzi anotarisirwa kuvigwa nemusi weSvondo kuHeroes Acre.

Ashaya ava nemakore makumi matanhatu nematanhatu, uye asiya mudzimai, Daisy, vana nevazukuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG