Accessibility links

Breaking News

Mapfumo Anodomwa Kuti Apiwe Mubairo neWorld Music Awards


Thomas Mapfumo
Thomas Mapfumo

Rimwe sangano remu America rine mukurumbira munyaya dzemimhanzi, reWorld Music Awards, rakadoma muimbi ane mukurumbira, Thomas Tafirenyika Mukanya Mapfumo, kuti ave pakati pevaimbi vepasi rose vachawana mibariro gore rino.

Mapfumo anoti akaziviswa nevari kuronga nezvemabiko aya kuWorld Music Awards, kuti achange ari mumwe wevari kupiwa mubairo kuNew York musi wa 14 mwedzi uno, sezvo mimhanzi yake yakafarirwa zvakanyanya munyika pamwe nekunze kwenyika.

Sangano reWorld Music Awards rinopa mibairo kuvaimbi vanenge vaine mimhanzi yakatengwa zvakanyanya, uye vanenge vakavhoterwa nevateereri padandemutande mugore rinenge radarika.

Mapfumo anoti kunyange hazvo agara kunze kwenyika kwenguva yakareba, anofara kuti vari kumusha pamwe nevari kunze kwenyika vachiri kufarira mhanzi yake.

Anotiwo mimhanzi yake, iyo yakambenge isisaridzwi munyika, yave kuridzwa panhepfenyuro dzemunyika mazuva ano kubva pakashanduka hutungamiri muhurumende.

Hurukuro naThomas Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG