Accessibility links

Breaking News

Mtukudzi Achavigwa neSvondo kuMadziwa


Oliver Mtukudzi

Mhuri yekwa Mtukudzi inoti muimbi ane mukurumbira, Oliver Mtukudzi, acharadzikwa kumusha kwake kuMadziwa nemusi weSvondo.

Mtukudzi akaitwa gamba renyika, asi haasi kuvigirwa kuNational Heroes Acre sekuda kwake asati afa.

Gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vaudza vatori venhau kuti VaMtukudzi vachanorara mumba make kuNorton Chishanu manheru.

NeMugovera, mutumbi waMtukudzi uchaendeswa kuPakare Paye Arts Center uko kuchaitwa munamato.

Mushure mutumbi waMtukudzi uchendeswa kuNational Sports Stadium uko kuchange kuine vaimbi vakasiyana siyana vachaimbira vanhu nekuwonekana nemufi.

Mutumbi waMtukudzi uchaendeswa kuOne Commando nenguva dza 3 masikati uko uchaiswa muchikopokopo uchienda kuMadziwa, uko mutumbi waMtukudzi ucharadzikwa neSvondo masikati.

Amai Mutsvangwa vazivisavo kuti hurumende ichashandisa mabhazi anoita makumi matatu achaendesa vanhu kuMadziwa kubva muHarare, vachitizve dunhu rimwe nerimwe munyika richapiwa bhazi rinoenda kuMadziwa.

“Tinokurudzira vanhu vemuZimbabwe kuratidza hunhu wedu; kuratidza kudanana kwedu uye kuti vaende kunochengeta Mtukudzi,” Amai Mutsvangwa vaudza vatori venhau.

Mtukudzi akatanga kuimba zvine mutsindo mugore ra1977 nechikwata chainzi Wagon Wheels umo maivevo nemumwe muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo.

Kambo kavo, ‘Dzandimomotera’, kakaita mukurumbira mukuru uye vaimbi vaviri ava vakaenderera mberi kusvika vazikanwa muZimbabwe, muAfrica nemhiri kwemakungwa, kunyange hazvo vanga voimba vaine zvikwata zvakasiyana.

Mtukudzi akange ari muimbi, muzvinabhimisi, mubatsiri wevanonetseka, murwiri wekodzero dzevanhu uye ari munyarikani weUnited Nations Children’s Fund munharaunda yekuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica.

Mutauriri wevaivona nemashandiro aMtukudzi, VaMarcus Gora, vaudza Studio 7 kuti vanotenda mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nehurumende nekupa Mtukudzi hugamba vachiti chinhu change chakatarisirwa nevanhu vazhinji.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG