Accessibility links

Breaking News

Vaimbi vemuZimbabwe Vobudirira Vari Kunze Kwenyika


Mumwe wevaimbi vari kunze kwenyika, Shamie, uyo ari kuSouth Africa
Mumwe wevaimbi vari kunze kwenyika, Shamie, uyo ari kuSouth Africa

Vaimbi vekuZimbabwe vari kunze kwenyika vanosangana nezvakasiyana siyana mubasa ravo rekuimba.

Kunyange hazvo vachisangana nematambudziko akawanda, vaimbi ava vanoti vari kuita basa ravo vachibudirira vari kuSouth Africa, America nekuAustralia uko vari kuvaraidza vanhu pasi pese nenziyo dzavo.

Avo vari kuSouth Africa vanoti vanonetseka zvikuru nenyaya yokutambirwa munyika dzavari kunyange hazvo vamwe vavo vari ivo vanobatsira kutsikisa nziyo dzezvizvarwa zvemunyika dzavari kugara.

Mumwe wevaimbi ava ndiToisen Tadengoma Marirangombe, muimbi anobva kuMberengwa uye achitsikisa mimhanzi ari kuCape Town.

Toisen anoti vanomanikidzwa kuti pakuimba nziyo dzavo vave nechizvarwa chemuSouth Africa muchikwata chavo kuti nziyo dzavo dziridzwe panhepfenyuro munyika iyi.

Toisen, uyo anozivikanwa nemimhanzi yakaita sa ‘I will Survive’, ‘Whispering Hope’, ‘Makanaka Jesu’ nedzimwe nziyo, anoti havasi vaimbi vekuZimbabwe chete vari kushungurudzwa, asi kuti vaimbi vese vasiri zvizvarwa zvemuSouth Africa.

“Kuno kuCape Town, tine zvipinga mupinyi zvakati wandei sezvizvarwa zvekuZimbabwe zvikurusei kana takatarisana nenyaya dzemimhanzi.”

Toisen akaenda mberi achiti, “Kana takatarisa ma radio stations omuno muSouth Africa sezvizvarwa zvekuZimbabwe, hatisikupiwa mukana wekuti tive tichikwanisa kuisa mimhanzi yedu pa radio kuti ive ichiridzwavo ichiteererwa nezvimwe zvizvara nevamwe varimuno muSouth Africa.”

Toisen anoti muSouth Africa mune vanhu vekuZimbabwe vakawanda zvekuti South Africa yaigona kuita mari nekuvapa mukana panhepfenyuro dzavo.

George Shangara muimbi wekuZimbabwe arikuita zvemimhanzi arikuAustralia.

Shangara anoti akatanga achiimba nevaimbi vanosanganisira Busi Ncube nevashakabvu Edwin Hama na Pio Farai Macheka.

Kunze kwerusarura ganda apo neapo, Shangara anoti haana hake zvimhingamupinyi zvaanosangana nazvo muPerth ku Australia uko kwaakavamba chikwata chake chinonzi Shangara Jive mugore ra 2001.

Dzimwe nziyo dzaShangara dzinoti ‘Mukoma’, ‘Ndomutevera’, Nyama Musango’.

“Chandakaona mune zvemimhanzi ndechokuti mimhanzi yakaita semhonzi. Kana ukadyara mhonzi haufanire kubva wamhanyira kuti mhonzi ibve yatokura mumazuva maviri wobva wakohwa. Mhonzi inodzvarwa yoregerwa kuti ikure,”

Shangara akaenda mberi achiti, “Muupenyu wemimhanzi, chinodiwa kushinga uye nemoyo murefu.”

Taderera Mabvudzi, uyo anozivikanwa sa Shamie uye aimbozivikanwa achiimba sa ‘Shame and Nathan’ ari kuitawo zvemimhanzi ari kuSouth Africa.

Dzimwe nziyo dzaShamie dzinosanganisa ‘African Queen’, ‘Haruwe’, ‘I Remember’.

Shamie anoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvaimbi vekuZimbabwe vari kuSouth Africa nekuti nyika iyi ine humbimbindoga pane zvemimhanzi.

Shamie anoti kusiyana kwemitauro ndiko kunokonzerawo kunetseka kwevaimbi vekuZimbabwe muSouth Africa.

Kunyange hazvo zvakadaro, Shamie anoti kuora moyo hakubatsiri nekuti muimbi wega wega anofanira kushinga kudzamara abudisa chipo chake chekuimba.

Hurukuro nevaimbi vari kunze kwenyika
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG