Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Hurumende yaVaMnangagwa Haina Kusiyana neyaVaMugabe


VaEmmerson Mnangagwa naAmai Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo
VaEmmerson Mnangagwa naAmai Joyce Mujuru. Collage by Ntungamili Nkomo

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, zvakare vari mukuru webato rinopikisa reNational People’s Party, Doctor Runaida Joice Mujuru, vanoti kunyange hazvo vari kufara nekusiya basa kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havana mufaro nekuti vese vaishanda naVaMugabe pamwe nenzira dzavaishandisa kutonga zvichiripo.

Amai Mujuru vanoti ivo nebato ravo pamwe nemubatanidzwa wemapato anopikisa, wePeoples Rainbow Coalition, vacharamaba vachirwisa bato reZanu PF kuitira kuti munyika muve neshanduko chaiyo kwete shanduko yekubata vanhu kumeso.

Vanoti vanopikisa pavaiita slogan yekuti "ngaende ngaende" vainge vasingareve kuti VaMugabe ngavaende vega chete asi kuti vaireva kuti vayende zvese nebato ravo navose vaishandiswa mukumbunyikidza zvizvarwa zveZimbabwe.

Amai Mujuru vanoti haugadzire chakaipa nechakaipa asi nechakanaka.

Asi vanoti zvisinei nezvakaitika, vakafara chose kuti mutungamiri wenyika avepo, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nyika kuti sarudzo dzichaitwa nenguva yange yakatarisirwa uye vave kutoita gadziriro yesarudzo idzi.

Asi vanoti mitemo yesarudzo inforanira kusandurwa kuti pave nesarudzo dzakachena.

Amai Mujuru vanotiwo mauto haafanirwe kupindira munyaya dzesarudzo.

Vanoti zvinokatyamadza chose kuti mauto nemapurisa emuZimbabwe ane mbiri yekugona basa kunze kwenyika uko anogaro sheedzwa kuno chengetedza runyararo kunyika dzakasiyana siyana asi achiita mukumbira wekushungurudza vanhu muno.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti kupindira kwemauto munyaya dzematongerwo enyika hakuvashamise nekuti mauto emuZimbabwe haaite basa ravo zvine hunyanzvi.

Vakawanda munyika vanochema nerekuti mauto ari kupindira munyaya dzematongerwo enyika.

Asi vamwe vakaita semukuru wevakarwa hondo yerusununguko zvakare vari chipangamazano kumutungamiri wenyika, VaChris Mutsvangwa, vanoti hapana chakaipa pane kuti vechiuto vapinde munyaya dzematongerwo enyika.

Doctor Mujuru vanoti kana vakakunda musarudzo dza2018, vachaunza shanduko nechimbi chimbi sezvo paine zvizhinji zvinokwanisa kusandurwa chete pasina kuchinja mutemo.

Mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition ndemumwe wemibatanidzwa yakawanda yemapato anopikisa inosanganisira MDC Alliance iyo ine zvikwata zveMDC zvinotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai and Professor Welshman Ncube, pamwe nemumwe unonzi Coaliton of Democrats.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG