Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inodzinga VaMugabe neMudzimai Wavo


VaRobert Mugabe

Musangano weZanuPF we central committee wadzinga mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, semutungamiri webato iri.

Zanu PF yabva yadoma vakadzingwa semutevedzeri waVaMugabe, VaEmmerson Mnangagwa, semutungamiri webato iri achafanobata matomu.

VaMnangagwa vachatungamira bato iri kudzamara paitwa kongiresi.

VaMnangagwa vabva vaitwa nhengo ye central committee.

Zanu PF yatiwo vose vakadzingwa mubato kubva muna 2014 vadzoserwe mubato.

Zanu PF yadzingawo mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, mmutevedzeri wemutungamiri wenyika, Phelekezela Mphoko, gurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, gurukota rematunhu, VaSavior Kasukuwere, gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo nevamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG