Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voratidzwa Kuti Havachadiwi neVakawanda


Chris Mutsvangwa

Vakarwa muhondo yerusununguko vari kuita musangano wekutenda zvakaitwa nemauto ayo akabvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamasimba ekutonga.

Vakarwa hondo ava vatiwo vari kuda kuratidza VaMugabe kuti havachadiwa neveruzhinji

Sachigaro wesangano revakwirwa hondo yerusununguko, VaChris Mutsvangwa, vatiwo pasi paGen Chiwenga uto reZimbabwe raratidza kuti iuto revanhu uye rinoda kuti vanhu vagare zvakanaka munyika mavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaItai Madzivaidze, vati kunyange hazvo kutambura kwevana veZimbabwe pasi pehutongo hwaVaMugabe kwakatanga kare, vamwe vaitungamira uto kare havana kuratidza hushingi sehwaratidzwa naVaChiwenga hwekubvisa VaMugabe pachigaro.

Veruzhinji munyika nevarwi vehondo yerusununguko vachaita gungano guru muHarare mangwana kutanga nekutsigira basa rakaitwa nemauto rekubvisa VaMugabe pachigaro.

VaMugabe vari kuramba vakaoma musoro vachiti ndivo vachiri kutungamira kunyange hazvo veruzhinji vari kufarira kuti vasiye basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG