Accessibility links

VaMugabe Votanga Kutsvaga Rutsigiro Asi Vamwe Vachitya Kudzoka kweMhirizhonga

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChishanu vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rinouya vachikurudzira vechidiki kuti vaende kunonyoresa kuvhota.

Musangano wekutanga pamisangano gumi ichaitwa naVaMugabe mumatunhu ose uri kutanga kuRudhaka Stadium, Marondera.

Rwendo rwaVaMugabe urwu rwuri kuuyawo mushure mekunge mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vatendererawo mumatunhu ose enyika vachiita misangano nevatsigiri vavo.

Vamwe vari kuitawo misangano yakadai ndiAmai Joice Mujuru webato reNational People’s Party.

Asi kutanga kwekutsvaga rutsigiro uku kunonzi nesangano rinoita zveongororo reAfrobarometer kuri kukonzera kuti vanhu vakawanda munyika vabatwe nekutya kukuru nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Afrobarometer inotiwo huwandu hwevanhu vari kuti havachina chivimbo nesarudzo hurikuramba huchikwira.

Nhengo yeMDC-T vachimirira Mkoba mudare reparamende, VaAmos Chibaya, vanoti ichokwadi kuti Zanu-PF iri kukonzera mhirizhonga nekuti haina chekuitira vanhu.

Asi sachigaro weZanu-PF Youth League kuManicaland, VaMubuso Chinguno, vanoti muromo hauzarirwe nerwizi uye vanopikisa vanoreva nhema kuti bato ravo rinokurudzira mhirizhonga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG