Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokonzera Mutauro Zvichitevera Kutorerwa Chigaro muZanu PF


US Zimbabwe
US Zimbabwe

Imwe nyanzvi mune zvemutemo, uye vari munyori mukuru webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti kunyange hazvo bato reZanu PF radzinga mutungamiri waro uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kubva mubato, bumbiro remitemo rinovabvumidza kuti varambe vari mutungamiri wenyika kusvika vasiya basa vega kana kuti vapomerwa mhosva nenhengo dzeparamende izvo zvinozoita kuti vasiye basa.

Asi VaMwonzora vanoti mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPelekezela Mphoko, kudzingwa kwavaitwa mubato raeZanu PF kunoreva kuti havachina chigaro, sezvo vanga vari nhengo yeparamende.

VaMwonzora vanoti kana VaMugabe vakanga vasiya basa, mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, ndivo vanofanirwa kufanobata matomu kana kuti mutongi mukuru, kusvika Zanu PF yapa dare reparamende munhu anenge achitsiva VaMugabe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG