Accessibility links

Breaking News

Muzinda weAmerica Wotaura Pamusoro peMashoko aVaMugabe kuUNGA


A U.S. flag is seen next to the names etched in black granite at the Vietnam Veterans Memorial wall
A U.S. flag is seen next to the names etched in black granite at the Vietnam Veterans Memorial wall

Muzinda weAmerica muZimbabwe unoti unowirirana nemashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti nyika dzepasi rese dzinofanira kushanda pamwe chete kuti kuve nerunyayaro uyewo unotsigira mashoko emutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, avo vakayambira nyika dzakaita seNorth Korea neIran kuti dzicharangwa zvakaipisisa kana dzikaramba dzichiita zvinhu zvinokanganisa runyararo pasi rese.

Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, VaDavid Maguire, vaudza Studio7 kuti mashoko aVaTrump kunyika dzakaita seNorth Korea anokodzera nekuda kwezviito zvenyika idzi.

VaMaguire vatiwo America inotsigira zvikuru zvirango zvakatemerwa North Korea neUnited Nations mushure mekuedza zvombo zvinoparadza pakuru uyewo vatiwo vanovimba kuti dzimwe nyika pasi rese dzicharemekedza chisungo ichi.

VaMaguire vati vanobvumirana nemamwe mashoko aVaMugabe ekuti panofanira kuva nekudyidzana kwakasimba pakati penyika dzepasi rose kuti kuve nerunyararo pasi rese.

Vati America yakazvipira kushanda nenyika dzese dzinoda kuti kuve nerunyararo.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika zvakare vari nhengo yeparamende inomirira Makonde muNational Assembly, VaKindness Paradza, varumbidza VaMugabe vachiti ndivo vega vane zvivindi zvekuudza mutungamiriri weAmerica kuti asiyane nenyaya yekuvhunditsira dzimwe nyika.

Mumwe mugari wemuHarare, VaNyasha Shumba, vaudzawo Studio 7 kuti vanotsigira mashoko emutungamiri wenyika.

Mutauriri weMDC inotungamirwa, naVaWelsham Ncube, VaKurauone Chihwai, vati zvakanaka chose kuti VaMugabe vataure nezverunyararo asi vanofanira kutanga vaona kuti munyika mavo mune runyararo.

Vanoongora zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vatiwo VaMugabe vakataura mashoko aya kusimbisa hushamwari hwavo nenyika dzakaita seIran neVenezuela.

Vatiwo nyika idzodzo dzinodyidzana zvakasimba neZimbabwe uye vamwe vatungamiri venyika idzi vakatomboshanyira Zimbabwe.

Zimbabwe nenyika idzi dzakatemerwa zvirango zvehupfumi neAmerica nepamusana pekityorwa kwekodzero dzevanhu munyika idzi uye kusaita sarudzo dzakachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG