Accessibility links

Breaking News

Mauto Okurudzirwa Kudzosera Nyika Kune Vanoita zveMatongerwo eNyika


Mukuru weMauto, General Chiwenga.

Vanorwira kodzero dzavanhu vanoti vari kufara zvikuru nekusiya basa kwaitwa naVa Mugabe, vachiyambirawo kuti veruzhinji vanofanirwa kutarisa zvimwe zvingangokanganisa kufambira mberi kwezvinhu munyika.

Mashoko aya ataurwa nemukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavinga.

VaMavhinga vanoti kunyange havo vari kufara nedanho ratorwa naVaMugabe rekusiya basa, vanotarisira kuti mauto akurumidze kudzorera nyika mumaoko evanoita zvematongerwo enyika.

Mauto, achitungamirwa nemukuru wavo, General Constantino Chiwenga, akatora masimba nemusi weChipiri manheru achiti ainge apindira kuti agadzirise zvinhu zvange zvashata.

General Chiwenga vakati chirongwa chavo, icho vakati chainzi Operation Restore Legacy, chaive chakanangana nekuona kuti munhu wese aita paanokwanisa mukusimudzira nyika murunyararo.

Hurukuro NaVa Dewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG