Accessibility links

Breaking News

VaMugabe neMudzimai Wavo Vobviswa paNzvimbo Yavanonzi Vakapamba


Sangano revatendi reReformed Church in Zimbabwe, RCZ, ranyorera tsamba mhuri yevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ichivapa mazuva manomwe ekuti vabve pasitendi yavanonzi vakapamba gore rapera.

RCZ inoti yakatorerwa nzvimbo iyi iri muGretstone Park kuBorrowdale muHarare nemhuri yaVaMugabe.

RCZ inoti Amai Grace Mugabe ndivo vanonzi vakashandisa kambani yemhuri yavo ye Gushungo Holdings pasi pechirongwa chekugoverwa minda patsva kunyange sitendi iyi yange isiri mumapurazi eminda sezvo iri mumisha munogara vanhu vedhorobha reHarare.

Mutsamba yanyorwa neChipiri nemagweta eSaratoga Makausi Law Chambers, RCZ inoti mhuri yekwa Mugabe ikasabva mumazuva manomwe inozobviswa nechisimba pachishandiswa matare edzimhosva.

RCZ inoti nzvimbo iri panhamba 791 Greystone Park, uye yakapihwa chechi yavo neimwe nhengo yechechi iyi yakabuda munyika kare.

RCZ inoti nzvimbo iyi ndeye chimwe chezvikoro zvavo.

Gweta reRCZ, VaRodney Makausi, vati ichokwadi kuti vanyorera veGushungo Holdings tsamba iyi sezvinodiwa nemutemo, uye vakasaita zviri mutsamba iyi vanovaendesa kumatare edzimhosva.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muRCZ, Reverend Doctor Rangarirayi Rutoro, vaudza Studio7 kuti vasvitsa tsamba iyi kune vanochengetedza sitendi iyi.

Vatiwo nzvimbo iyi yakatorimwa chibage.

RCZ yakaenda kumatare ikadzivisa kutorwa kwe sitendi asi mhuri yekwa Mugabe yakaramba kubuda kusvika pari zvino.

Mukuru wezvekuchengetedzwa kwezvinhu kuGushungo Holdings, VaMkhululi Nyoni, varamba kutaura ne Stduio7 pavafonerwa.

Chechi yeRCZ inobatsira vanhu munyika kubudikidza nedzidzo nehutano.

RCZ ine zvikoro zvonoti Pamushana Mission High, Gutu Mission high, Chivi High, Mogenster Mission Hospital, Henry Murray School of the Deaf Kapota School of the Blind pamwe ne Reformed Church University zvose zviri mudunhu reMasvingo uye Egasvale kuHarare nezvimwe zvikoro mumatunhu enyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG