Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe neHurumende yaVaObama


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti kusaremekedzwa kwekodzero dzevanhu kuchiri kuenderera mberi muZimbabwe.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vakawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vari muZanu PF nemuhurumende.

VaObama vakazivisawo dare reAmerica reCongress nezvekuwedzera kwavaita negore zvirango zvakatemerwa hurumende yaVaMugabe sezvinodiwa nemitemo yenyika yavo.

Zvirango izvi zvakatanga kutemerwa VaMugabe pamwe nevamwe vavo mugore ra 2003 nemutungamiri weAmerica panguva iyi, VaGeorge Bush.

Gwaro rakaburitswa naVaObama, re Executive Order 13288, rinoti maitiro evanhu vawedzerwa negore zvirango izvi anovhiringa gwara reAmerica pazvinhu zvinoitika kunze kwayo.

Hurumende yeAmerica inoti haisi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe pamwe nehudzvanyiriri huri kuitika pasi pehurumende yaVaMugabe.

VaObama vati zvirango izvi zvicharamba zviripo kudzamara pava neshanduko mumaitiro evanhu vakatemerwa zvirango izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti kusaremekedzwa kwekodzero dzevanhu kuchiri kuenderera mberi muZimbabwe.

Ukuwu nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari nhengo yeZanu PF, Va Gadzira Chirimumhanzu, vanotiwo America inovenga VaMugabe sezvo vari kuonesa vamwe vatungamiri vemu Africa, kuti nyika dzekumavirira, kusanganisira America ne Britain, dzisingadi kuona Africa yakamira pamwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG