Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosangana neVakuru veMauto neSvondo


FILE - Zimbabwe's President Robert Mugabe, right, talks to General Constantine Chiwenga upon his arrival at Harare International Airport, July 4, 2008.
FILE - Zimbabwe's President Robert Mugabe, right, talks to General Constantine Chiwenga upon his arrival at Harare International Airport, July 4, 2008.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kusangana nevakuru vemauto mangwanani.

Mashoko aburitswa nevanga vachikokera nhaurirano pakati paVaMugabe nemauto, Father Fidelis Mukonori, anoti VaMugabe vachaita musangano nevakuru vemauto neSvondo.

Vamwe vachange vari pamusangano vanosanganisira vakuru vemauto, vakuru vevasori, pamwe nemutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba.

Hapana ari kuziva kuti chii chichaburitswa pamusangano uyo.

VaMugabe vari kugara vakachengetedzwa nemauto kubva musi weChipiri manheru.

Mauto anonzi anga achiedza kuudza vamugabe kuti vasiya chigaro asi VaMugabe vachitsika madziro.

NeMugovera vanhu vakapinda mumigwagwa vachiti VaMugabe vasiye basa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG