Accessibility links

Kudyidzana kwaVaMugabe ne Iran Kosimudza Mutauro

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Independence Celebrations

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari muTehran, Iran uko vakakokwa kumabiko ekugadzwa nekutoreswa mhiko kwemutungamiri wenyika iyi, VaHassan Rouhani.

VaRouhani vari kutoreswa mhiko neMugovera. Aka ndekechipiri VaRouhani vachitora mhiko mushure mekukunda sarudzo muna Chivabvu.

VaMugabe vatambirwa negurukota rezvevashandi muIran, VaAli Rabei, uye mumiriri weZimbabwe kunyika iyi, VaNicholas Kitikiti.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika apo VaMugabe vanenge vari kunze kwenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti kudyidzana kweZimbabwe neIran uku kunogona kukanganisa kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika dzakabudirira idzo dzakatemera Iran zvirango.

Ivo VaMugabe vacho vakatemerwawo zvirango nehurumende yeAmerica vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu..

Mukuzeya nyaya iyi, Blessing Zulu weStudio 7 abata munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJoey Bimha.

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vanoti Zimbabwe inyika inozvitonga nokudaro haiteereri zvinoda nezvinofungwa nenyika dzinoti hadzidyidzane neZimbabwe.

Ukuwo nyanzvi yezvematongerwo enyika uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMugabe vanofanirwa kugadzirisa hukama hwavo nenyika dzakabudirira kuitira kuti Zimbabwe idyidzane nenyika idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG