Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Mauto Akagona Kusiya VaMugabe Vachienda kuZimbabwe Open University


Kuonekwa kwemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kekutanga vari paruzhinji apo vaive munyarikani kuchikoro cheZimbabwe Open University, nemusi weChishanu, kubva zvatorwa masimba nemauto nemusi weChipiri zvatambirwa zvakasiyana siyana vamwe vachiti hazvirevi kuti mauto haasisina simba, asiwo vamwe vachiti vava kutyira kuti VaMugabe vangangorega kubviswa pachigaro chehutungamiriri hwenyika.

Mumwe mugari wemuHarare, VaFarai Mabeza, varumbidza zvakaitwa nemauto vakati kuenda kwaVaMugabe kuZimbabwe Open University, idanho rakanaka kuratidza kuti mutungamiriri wenyika haana kubviswa nechisimba.

VaMabeza vati kuwonekwa kwaVaMugabe paruzhinji kunoratidzawo masangano akadai seSADC kuti VaMugabe vachiri mutungamiriri wenyika.

Izvi zvatsigirwa nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, Va Earnest Mudzengi, avo vati kunyange hazvo zvakaitwa nemauto zviri kunze kwemutemo, vari kuda kuratidza veruzhinji pamwe nenyika dzekunze kuti VaMugabe vachiri pachinzvimbo chavo.

Asi VaMudzengi vatiwo kuenda paruzhinji kwaVaMugabe hazvirevi kuti vanopunyuka muhapwa dzemauto.

Mumwe aimbova murwi werusununguko, Amai Karen Kazingizi, vatiwo vakamirira VaMugabe kuti vabve vega pachigaro pasina kubviswa nechisimba semunhu mukuru ndosaka mauto arega vachiita basa ravo.

Asi Muzvare Petronella Zhou vaudza Studio 7 kuti vakavhundutswa zvikuru nekunzwa kuti mauto apa VaMugabe mukana wekuonekwa paruzhinji ivo vachifungidzira kuti mutungamiri wenyika anga dai akatosiya chigaro.

Nhaurirano pakati pemauto nemutungamiriri wenyika dzichiri kuenderera mberi huye pari zvino mauto haasati azivisa veruzhinji kuti nhaurirano idzi dzave papi huye zvii zvabvumiranwa nezviri kunetsa.

Asi vaimbove varwiri verusununguko vati vari kuita musangano neruzhinji rweZimbabwe kuZimbabwe Grounds kuti paitwe chibvumirano chekuti veruzhinji vodii.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG