Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, Va Robert Mugabe, nhasi vazvionera pamhino sefodya kurwisana kuri kuitika mubato ravo apo zvikwata zviviri zviri kurwisana zvanga zvichitsvinyirana pamberi pavo.
Zvikwata zviri kurwisana zve Lacoste ne G40 zvatanga kuimba nzviyo dzine zvirevo uye zvichisvotesana apo mutungamiriri wenyika vange vave kudanwa kuti vaende pamberi kuzotaura mashoko avo ekuvhura musangano.
Chimbo ichi chaimbwa nematunhu e Masvingo neMidlands vachiti kumagumo kune nyaya uye VaMugabe vanofamba pamusoro pemvura havanyuri.
Chimbo ichi chinonzi chinoreva zvinoenderana nemumwe mutevedzeri wevatungamiri venyika, VaEmerson Mnangagwa, avo vanonzi vanotsigirwa nechikwata che Team Lacoste.
VaMnangagwa vanozivikanwa nerekuti Ngwena inogara mumvura zvichireva kuti hainyudzi VaMugabe vave kusvika kumagumo, kuitira kuti ivo vozotongawo.
Ukuwo matunhu eHarare neekuMashonaland ange achiimbawo kuti anofamba naGushungu vachiratidza rutsigiro kune mudzimai waVa Mugabe, Amai Grace Mugabe, avo vanonzi vanotsigirwa neG40.
Izvi zvapa kuti VaMugabe vabvume kuti pane vamwe vasisavadi kuti varambe vachitungamirira Zanu PF apo vavhura musangano uyu zviri pamutemo .
Dzimwe nhengo dza Zanu PF dzataura ne Studio 7 parutivi pemusngano uyu dzati mashoko aVa Mugabe aratidza kuti vave kuzviziva kuti mubato ravo vamwe vave kuda kuti vachisiya chigaro chehutongi.
Asi VaMugabe vati ivo vachiri pachigaro hakuna kwavanoeda. Vashoropodza vechimwe chikwata chinoda kuzovatsiva mhosva yekushaya rukudzo nekusateera.
Kurwisana uku kwaonekwa zvakare apo vanofungidzirwa kuti vatsigiri ve Team Lacoste vauya vakapepfeka hembe dzanga dzichishora huori dzakanyorwa kuti Zanu PF say no to Corruption.
Mashoko aya anofungirwa kuti anga akanangana nenhengo dze G40 kunyaya Va Jonathan Moyo varo kupomerwa mhosva yekuba mari yebazi re Zimdef.
VaMugabe vakumbira vatsigiri vavo kuti vapinde mugore ra 2017 vakabatana kana musangano wavo uchida kuramba uchitonga nyika.
Musangano we Zanu PF wakatarisana nenguva yakaoma gore rinouya nerinotevera apo masangano anopikisa ari kuita nhauriranwa dzekubatana kuti vapinde musarudzo dza 2018 vakasimba.
Musangano weZanu PF unopera neMugovera.