Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshushikana Vachiti VaMugabe Vari Kutambisa Mari paBhavhudhe Ravo


Apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu neChipiri, vamwe vechidiki vari mumapato anopikisa vanoti hapana chekuti ruzhinji rwevanhu munyika rungapemberera sezvo vachiti VaMugabe ndivo honzeri yematambudziko akatarisana nenyika.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, avo vaimbove sachigaro wevechidiki mudunhu reBulawayo, vanoti hapana chakaipa pakuti VaMugabe nemhuri yavo pamwe nevamwe vanhu vapemberere bhavhudhe ravo.

Asi vanoti vanoshushikana nekuti kupemberera bhavhudhe raVaMugabe kuri kuitika panguva iyo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika.

VaMaphosa vanoti bato ravo rinoshorawo zvikuru nyaya yekuti makambani ehurumende, vashandi vehurumende, pamwe nezvikoro, vari kunzi vaite mudeme-mudeme kubhadhara mari ichashandiswa pamabiko ebhavhudhe raVaMugabe iri ayo achaitwa nemusi weMugovera.

Mabiko ebhavhudhe raVaMugabe achaitwa paRhodes Estate Preparatory School kuMatopos, chinhanho makumi maviri kumadokero kwakadziva kuchemhembe kweguta reBulawayo.

Mutauriri weboka revechidiki veMDC T, VaBrian Dube, vatiwo vanhu vemuZimbabwe havana chekupembera pabhavhudhe raVaMugabe vakatiwo VaMugabe nebato ravo reZanu PF ndivo vari kukonzeresa kutambura kuri kuitwa neveruzhinji munyika.

Vashorawo kuitwa kwemabiko ebhavhudhe iri mudunhu reMatabeleland vachiti kusvika pari zvino VaMugabe havasati vabudira nyika pachena panyaya yeGukurahundi.

VaDube vakurudzira vechidiki vose vabve zera kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dza2018 vachiti kuita izvi ndiko kuti vagokwanisa kuzviburitsa mumatambudziko avakatarisana nawo anosanganisira kushaya mabasa uye kutadza kuwana mari yekuenda mberi nedzidzo.

Mutauriri wevechidiki mubato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaBrighton Makunike, vatsinhirawo kuti kuitwa kwemhemberero dzebhavhudhe raVaMugabe kuratidza kushaya hany’a nekutambudzika kuri kuita vanhu munyika.

Vakurudzirawo vechidiki kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota, izvo zvinozoita kuti VaMugabe vabviswe pachigaro.

Mutauriri weboka revechidiki veZanu PF, Muzvare Colleta Shoko, vanoti vechidiki vanofanirwa kuwana mucherechedzo kubva kuna VaMugabe nokuti ndivo vakatungamira mabasa ekurwira kusimukira kwevanhu vatema munyika.

Asi Muzvare Shoko varamba kuti bato ravo riri kumanikidza vanhu kubvisa mari ichashandiswa pamabiko aVaMugabe.

Kunyange hazvo vemapato anopikisa vakatanga kuratidza kusafara kwavo pamusoro pemabiko ebhavhudhe raVaMugabe, sachigaro wevechidiki mubato reZanu PF, VaKudzanai Chipanga, vave nenguva vachitaurira vatapi venhau kuti bato ravo harinei nezviri kutaurwa nevemapato anopikisa.

Panyaya yekuitira bhavhadhe munzvimbo yakafira vanhu vakawanda munguva yeGukurahundi, VaChipanga vakati nzvimbo iyi yakawiriranwa nehutungamiri hweZanu PF mudunhu reMatabeleland South, iro rine masimba ekuronga bhavhadhe raVaMugabe gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG