Accessibility links

Breaking News

Mufakose Polyclinic Yopisa Chevakuru neNzira Dzisiri paMutemo


Harare City Council
Harare City Council

Kirinika yekanzuru yeHarare, yeMufakose Polyclinic, iri kurasa musana, kana kuti chevakuru chinobva pamadzamai anenge abatsirwa, kana kuti placenta, mugomba riri pakirinika iyi izvo zvinonzi zviri kunze kwemutemo.

Pasi pemutemo weHuman Tissues Act, misana, kana zvevakuru zvinobuda mushure mekunge madzimai asununguka, zvinofanira kupiswa pachishandiswa muchina unopisa zvakanyanya.

Asi vamwe vashandi vepaMufakose Polyclinic vanoti kirinika yavo yave nemwedzi yakati wandeyi ichipisa zvinhu izvi mugomba repachipatara ichi sezvo ‘Incinerator’ yepo isiri kushanda.

Vashandi ava, vasina kuda kutaura mazita avo sezvo vasingabvumidzwe kutaura nevatapi venhau, vati vakuru vanoona nezvekirinika iyi vakaudzwa nezvedambudziko iri asi havana matanho avati vatora.

Patakasvika pakirinika iyi nezuro, Studio7 yakaona hutsi huchipfungaira pagomba riri kuseri kwewadhi remateneti pakirinika iyi. Vashandi vepo vakati izvi ndizvo zviri kuitika mazuva ose.

Mumwe mudzimai ane munin’ina wake akabatsirirwa pakirinika iyi, uyo ati anonzi Amai Tambudzai, audza Studio 7 kuti kunyange hazvo asina ruzivo rwekuti zvinhu izvi zvinoraswa sei, zvinofanira kuitwa zvine chiremerera.

Nyanzvi munyaya dzehutano, vari zvakare mutungamiri wesangano reMedicaal and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association, Dr Johannes Marisa, vati zvingave zvakanaka kuti patevedzwe mutemo wekurasa zvinhu zvakadai.

Vati kunyange kirinika kana chipatara chikasave nemichina yekupisa izvi, pane makambani akawanda anotakura tsvina yakadai.

Dr Marisa vati makunzuru akaita seHarare City Council neveHealth Professions Authority ndivo vanosungirwa kunge vachiona kuti makirika kana zvipatara zvine hurongwa kwekuti tsvina yakadai inoraswa sei vasati vapihwa marezenisi.

Hatina kukwanisa kubata veHealth Professions Authority kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hatinawo kukwnisa kunzwa kubva kumukuru anoona nezvehutano muHarare City, Dr Prosper Chonzi, sezvo vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

Mutauriri wekanzuru, VaMike Chideme, vakaudza Studio7 nezuro manheru kuti vainge vakamirira kunzwa kubva kubazi rezvehutano mukanzuru yavo vasati vatipa divi rekanzuru yavo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG