Accessibility links

Breaking News

VaMudzuri Vanoti VaTsvangirai Vachakunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika


MDC-T vice president Elias Mudzuri
MDC-T vice president Elias Mudzuri

Vakafanobata chigaro chemutungamiri we MDC-T, Engineer Elias Mudzuri, vanoti vari kushushikana zvikuru nemashoko avari kutambira ekuti murongi wemisangano muZanu PF, retired Brigadier General Engelbert Rugeje, vari kutyisidzira vanhu vachivayeuchidza nezvemhirizhonga yakaitika musarudzo dza 2008.

VaMudzuri vanoti VaRugeje, semunhu akasiya chiuto, vanofanirwa kuchiita semunhuwo zvake, kwete kuramba vaine mweya wekutyisidzira vanhu munguva yegadziriro yesarudzo.

VaRugeje vakaburitswa mubepanhau rekuMasvingo vachinzi vainge vataura mashoko ekutyisidzira vanhu pamusangano wavakaita kuMasvingo mazuva mashoma apfuura.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVa Rugeje pamashoko avari kunzi vakataura.

Asi VaMudzuri vanoti vanhu vekuMasvingo vava kugara vachitya sezvo vachiziva mabasa aVaRugeje munyaya dzekutyora kodzero dzevanhu.

VaMudzuri, ava vanobva kuZaka kuMasvingo, vanoti vanoyeuka zvakaitwa naVaRugeje kuZaka muna 2008, mushure mekunge vakurudzira vanhu veZanu PF pamwe nemauto kuti varwise musha wekwaMudzuri.

Asi VaMudzuri vanoti zvisineyi nekutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu, zvikuru kumaruwa, mutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai, vachakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika.

“Gore ra 2018 nderedu. MDC inokunda musarudzo. VaMnangagwa vakakundwa naBlessing Chebundo, nokudaro sarudzo yemutungamiri ine zvakawanda zvinotariswa pamunhu. VaMnangagwa havamire pana VaTsvangirai,” vadaro VaMudzuri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG