Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi paMSU Vowanirwa Nzvimbo Yekuitira Mitambo neKupana Mazano


MSU
MSU

Sangano reUnited Nations Population Fund, UNFPA, richishanda ne Students and Youth Working on Reproductive Health Action Team, SAYWHAT, rakavhura nzvimbo paMidlands State University yekuti vadzidzi vakwanise kuungana vachiita mitambo yakasiyana-siyana pamwe nekukurukura kodzero dzavo munyaya dzepabonde.

Vadzidzi ava vachange vachidzidzisanawo nzira dzekuzvidzivirira kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvepabonde.

Nzvimbo iyi, iyo yavanoti Resource Center, yakavhurwa zviri pamutemo Chishanu chapera nemukuru weUNFPA muZimbabwe, VaCheikh Tidiane Cisse.

Vadzidzi vakaratidza kufara zvikuru nenzvimbo yavakawaniswa iyi.

Mumwe mudzidzi wepaMSU akawana zvidzidzo pamusoro peHIV/AIDS uyo achange achidzidzisawo vamwe vadzidzi, Hastings Tengende, anoti kuvhurwa kwenzvimbo iyi kuchabatsira mukuchengetedza hutano hwavo.

Tengende anoti zvakakosha kuti vana vezera rinofanirwa kuve richishanda, vave nehutano hwakanaka kuitira kuti vakwanise kuchengeta mazera echidiki pamwe nevakwegura.

Tengende anoti mikana yekuzvivaraidza nemitambo yakasiyana-siyana zvichakwezva vadzidzi vakasiyana-siyana vowana mikana yokukurukura HIV/AIDS pamwe nekodzero dzine chekuita nezvepabonde.

Nhengo yeSaywhat ari zvakare mudzidzi, Muzvare Michellene Makanaka Museva, vanoti kupanana ruzivo kwevechidiki inzira yakakosha yekuti vechidiki vachengetedze hutano hwavo.

Muzvare Museva vanokurudzira hurumende nemasangano akazvimiririra kuti pamusoro pekuwanisa zvinhu zvakaita semakondumu pachena, dai hurumende yawanisawo midziyo yekuti vechidiki vazviongorore ropa.

Anoona nezvekugara kwakanaka nekuchengetedzeka kwevadzidzi paMSU, VaReginald Nyango, vanoti kuvhurwa kwenzvimbo iyi kunoratidza chitsidzo chavo nekuzvipira kushanda nevese vari munyaya dzekuchengetedza hutano hwevadzidzi.

VaCisse vanoti zvakakosha kuti hurumende nemasangano akazvimiririra vawedzere zvirongwa zvekudzidzisa vechidiki nezveHIV/AIDS pamwe nekodzero yepabonde sezvo kuzera revechidiki kuri iko kune vakawanda vari kubatwa nehutachiona.

Vanokokera zvirongwa zveHIV/AIDs muGweru, VaMurari Hwingwiri, vanoti nekuda kwekuti tsvakiridzo yemunyika iri kuratidza kuti kutapuriranwa kweHIV pamazera ari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi maviri nemana kuri kukwira, zvakakosha kuti mazera aya awaniswe ruzivo.

Pamusoro peruzivo nemitambo, Resource Center iyi ichange ichiwanikwawo makondumu. Vechidiki vanoti vane chivimbo chekuti hutano hwakanakahunovapa mukana wekuti vashandire nyika zvakazara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG