Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mamombe Voramba Vari Muchitokisi Kusvika Muvhuro


Joana Ruvimbo Mamombe
Joana Ruvimbo Mamombe

Mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, vasungwa Mugovera mangwanani kuNyanga vari pamusangano wedare reparamende.

Muzvare Mamombe vanonzi vatorwa nemapurisa mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vakatarisa, ndokuendwa navo kuHarare Central Police Station.

Gweta raMuzvare Mamombe, VaJeremiah Bhamu, vaudza Studio7 kuti Muzvare Mamombe vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo uye vachamiswa pamberi pedare nemusi weMuvhuro.

Izvi zvinoreva kuti Muzvare Mamombe vacharara muchitokisi kwemazuva maviri.

“Vasungwa nhasi mangwanani kuNyanga uko vange vachiita basa reparamende,” VaBhamu vaudza Studio 7. “Vari kupomerwa mhosva yekuti vakakurudzira vagari veku Harare West kuti vatore matanho anoita kuti hurumende iripo ibviswe nenzira dzisingatevedzei zviri mumitemo.”

VaBhamu vati vakwanisa kuona Muzvare Mamombe kukamba yeHarare Central.

Vatiwo Muzvare Mamombe vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Muzvare Mamombe vari kupomerwa mhosva mushure mekuratidzira kwakaitika munyika muna Ndira, uko kwakasiya vanhu vanodarika gumi nevanomwe vafa, uye vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa mushure mekupfurwa nepfuti.

Kunyange hazvo kuratidzira uku kwange kwakarongwa nesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, hurumende inoti MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa ndiyo yakaronga kuratidzira uku.

Dzimwe nhengo dzeMDC dzakasungirwa nyaya iyi dzinosanganisira munyori anoona nezvekuronga misangano, VaAmos Chibaya, mumiri Mbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya nevamwe.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vati pari zvino nhengo dzebato ravo dzine nyaya kumapurisa dzinosvika gumi.

Vati bato ravo richasvitsa kunyunyuta kwaro kumutauriri weparamende.

VaMafume vati kana pasina chaitwa bato ravo richamhangarira VaMudenda kumasangano makuru kunze kwenyika anoona nezvemaparamende pasi rese.

Imwe nhengo yeMDC inomiririra Chitungwiza North muparamende, VaGodfrey Sithole, vanyimwa neMugovera mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaSithole vakasungwa neChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG