Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzodziswa Zvinoreva Bhiri reMutemo weKuroorana


Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.
Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.

Nhengo dzeparamende dzaita musangano muHarare wekuti dzinyatsonzwisisa zviri mubhiri rezvewanano kana kuti Marriages Bill dzisati dzatenderera nenyika dzichinzwa pfungwa dzeveruzhinji.

Nhengo dzekomiti dzinoona nezvemutemo pamwe nezvemadzimai dzaita musangano muHarare dzichiongorora zviri mubhiri rinobata nyaya dzekuroorana.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemutemo uye vari mumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese, vaudza Studio7 kuti musangano wanhasi wanga wakanangana nekuti nhengo dzeparamende dzinyatsonzwisisa zviri mubhiri iri dzisati dzaenda kunonzwa pfungwa dzeveruzhinji.

VaGonese vati pane zvakawanda zvanga zvichitaurwa maererano nebhiri iri zvisiri zvechokwadi sezvo vanhu vasati vanzwisisa zviri kuturwa nebhiri iri.

VaGonese vati bhiri iri riri kukoshesawo nyaya yekuti vana vasaroorwe vasati vasvika zera rekuroora kana kuroorwa, pamwe nekuchengetedza kodzero dzevanhu.

Mumwe wenyanzvi munyaya dzezvemitemo dzanga dzichitsanangurira nhengo dzeparamende zviri mubhiri iri, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati bhiri iri riri kuedzawo kubatsira madzimai mune zvakawanda.

VaMadhuku vakurudzira nhengo dzeparamende kuti dzisanopa pfungwa dzadzo padzichaenda kunobvunza veruzhinji nezvebhiri iri asi kuti dzinopakurira veruzhinji zviri mubhiri iri dzodzoka nepfungwa dzeveruzhinji kudare reparamende.

NeChipiri svondo rino dare remakurukota rakabvumirana kubvisa chikamu mubhiri iri change chichipa masimba ekuti mukadzi asina muchato ave nekodzero yekuwana hupfumi mushure mekufa kwemurume.

Chikamu ichi chakaunza mutauro mukuru vanhu vachiti chinokurudzira kugarisana kwevanhu vasina kuroorana vamwe vachitiwo chaibatsira vana vanange vaberekwa kunze kwemuchato.

Bhiri iri riri kuedza kuda kuti vanoroorana pachivanhu nevanoroorana nemuchato pamutemo vave vanonyoresa kunzvimbo imwe chete kuti vave nyama imwe..

Bhiri iri richave mutemo kana rapasiswa nepararamende uye kana mutungamiri wenyika asaina kuti bhiri iri rive mutemo wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG