Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ozviitira Mabasa Ane Pundutso kuManicaland


Amai Lizzy Jumbura
Amai Lizzy Jumbura

Madzimai anogara mudunhu rekuManicaland vanoti zvirongwa zvekufusha mari vari muzvikwata vachibatsirwa nemasangano akazvimirira zviri kuvandudza hupenyu hwavo.

Mumwe mugari wekuChipinge, Amai Lizzy Jumbura, vairarama nekufamba vachitengesa madomasi asi vanoti sezvo vaitengesera mumamisha, havana mari yakawanda yavaiwana.

Amai Jumbura vanoti hupenyu hwavo hwakachinja nekuuya kwerimwe sangano rakazvimiririra re Community Organisation for Poverty Alleviation in Zimbabwe (COPAZ) iro rakabatsira madzimai emuWard 17 kuChipinge nekuvapa mari yekukweretesana pamwe nekuvapa zvidzidzo zvekuchengeta mari nekutanga mabhizimusi .

Amai Jumbura vanoti vakabatana nevamwe vakadzi vakakwanisa kuunganidza mari yavakawana iyi, iyo yavanokweretesana, vakakwanisa kuvhurawo chitoro chavo paPfidze Growth Point kuChipinge.

Pachinzvimbo chekufamba mumisha vachiedza kutengesa, Amai Jumbura ndivo vave kuvingwa nevatengi vanouya kuzotenge zvinhu zvakasiyana-siyana.

Amai Ronica Mutandwa ndeumwe wemadzimai anochengeta mari pamwe chete naAmai Jumbura.

AmaiMutandwa vakakwanisa kutangawo bhizimusi ravo rekupfuya huku uye vave nechitoro chavowo chakutengesa nyama iyi paPfidze pakare.

Amai Mutandwa vanoti kuburikidza nebhizimusi iri vave kukwanisa kuendesa vana kuchikoro pamwe nekudyawo zvekudya zvinovaka semhuri.

Mumwe mugari, Amai Sarah Mafondora, vanoti sevanhukadzi vanogara kumaruwa, vanga vasina hupfumi uye zvaivaomera kuwana mari kumabhangi.

Asi pari zvino Amai Mafondora ndivo vave kutokweretesawo vamwewo mari.

Amai Mafondora vanotiwo kuburikidza nemabhizimusi akasiyana-siyana avanoita, vave nemari yekuendesa vana vavo kuzvikoro zvavanonogarako.

Vanoti vasati vatanga kuzvishandira vana vavo vaifamba mitunhu mirefu vachienda kuchikoro.

KuNyanga, sangano rakazvimirira reNyanga Community Development Trust riri kuitawo chirongwa chakadai.

Mumwe wemadzimai ari muchirongwa chekuchengeta mari ichi, Amai Chipo Ndarangwa, vanoti hupenyu hwemadzimai munzvimbo yavo huri kusimukira sezvo vavewo nehupfumi hwavari kuzviunganidzira samadzimai.

Amai Ndarangwa vakavakawo imba, vakatenga mombe nengoro pamwe nezvimwe zvekushandisa pamusha wavo kubva zvavatanga chirongwa ichi muna 2012.

Amai Ndarangwa, avo vanoti vairarama nekupihwa mari nemurume wavo, vanoti izvozvi ndivo vave kutokumbirwawo mari nemurume wavo.

VaCanaan Samhembere vanoshanda neNyanga Community Development Trust vachibatsira madzimai aya negwara rekuchengeta mari zvine pundutso.

VaSamhembere vanoti sesangano vari kuona matambudziko emhirizhonga achidzikira sezvo madzimai avewo nesimba rehupfumi.

Kunyange hazvo madzimai aya ari kushanda kuchinja hupenyu hwavo nemhuri dzavo, vanotiwo kuwondomoka kwehupfumi nekunetsa kwemari kuri kukanganisawo mabhizimusi avo sezvo vanhu vakawanda vasina mari munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG