Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti haritarisiri kuti vashandirwi vachanyima vashandi vavo mari dzekuvatenda dzemabhonasi gore rino sezvo zviri muzvibvumirano zvemabasa zvakanyoreranwa pasi pakati pemapoka maviri aya kuti vashandi vanobhadharwa mabhonasi.
Mamwe makambani anotanga kubhadhara vashandi mari dzemabhonasi mwedzi uno waGumiguru, asi gore rino zvakanyarara nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti makambani mashoma kwazvo anobhadhara mabhonasi nekuti zvinobva pakuti gore iroro awana marii yakawanda zvakadii.
Mukuru wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vaudza Studio 7 kuti panyaya dzemabhonasi, sangano ravo rinowanzo kuzvisiira kuboka rimwe nerimwe kuti rinokwanisa zvakadii kubhadra vashandi varo mabhonasi avo.
Facebook Forum