Accessibility links

Breaking News

Ramadan Yocherechedza muZimbabwe neVakawanda veChitendero cheMuslim


Vechitendero chechiMuslim vari pamunamato
Vechitendero chechiMuslim vari pamunamato

Vechitendero cheMuslim, vatanga neChitatu mwedzi unoyera we Ramadan kusvika musi waChikumi 14.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vati Ramadan inotifungisa zvizhinji zvakanaka mukati mehupenyu hwevanhu vemuamerica. Vatiwo vanhu vemuamerica vakaropafadzwa nekuti bumbiro remitemo yavo rinovabvumira kupinda muzvitendero zvavanoda.

VaTrump vati bumbiro remitemo iri rinotsigirawo kuti vechitendero ichi vacherechedze Ramadan pasina kupindira kwehurumende.

Munyori mukuru wekanzuru inoona nezvechitendero ichi muZimbabwe, kana kuti supreme Council of Islamic Affairs, Sheik Henry Balakazi, vati nguva ino inokosha muchitendero chavo.

"Tinenge tichitarisira kuti panguva iyi maMozlemu ose inguva yekuti isusu panyeya tinenge tiri muenzaniso kuvanhu vese pasirose kuti kana tichirarama sevanhu, ngatiraramei nenzira yakadai, inova nzira inokuridzirwa naMwari musiki," VaBalakazi vakaudza Studio 7.

"Saka ndizvo zvatinotarisira kunge tichiita pamazuva makumi matatu aya."

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG