Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vofanobata Chigaro cheMutungamiri weMDC-T?


VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vaburitsa mashoko kuburikidza nemutauriri wavo, VaLuke Tamborinyoka, vachiti vadoma mumwe wevatevedzeri vavo, VaNelson Chamisa, kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato kudzamara VaTsvangirai vadzokera kumusha.

Pari zvino VaTsvangirai vari kurapwa vari muchipatara chiri mu Johannesburg, kuSouth Africa.

VaTamborinyoka vati VaTsvangirai vatora danho iri pachitariswa kuti vamwe vevatevedzeri vavo, VaElias Mudzuri naMuzvare Thokozani Khupe, vari ku South Africa pari zvino.

VaTsvangirai vatiwo VaChamisa ndivo vachange vachimirira bato muMDC Alliance.

Zvichitevera kuburitswa kwemashoko aya naVaTamborinyoka, vanhu vatanga kunyora zvakawanda pamadandemutande vamwe vachirumbidza VaChamisa vamwe vachiti hachisi chokwadi kuti VaTsvangirai vadoma VaChamisa kuti vafanobata matomhu.

Vamwe muMDC-T vanga vachitiwo VaMudzuri ndivo vachakabata matomu vachiramba mashoko aVaTamborinyoka vachiti VaTsvangirai havana kuburitsa mashoko aya.

Mamwe mashoko anga achiti, VaTsvangirai, avo vari kunzi havasi kubvumidzwa navana chiremba kuti vasangane nevanhu vakawanda, havangawana mukana wekuburitsa mashoko anonzi aburitswa naVaTamborinyoka.

Asi VaTamborinyoka vati vataura naVaTsvangirai vakaudzwa kuti vanyore gwaro rekuzivisa nyika zvavaronga.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muMDC uye bato iri rinofanirwa kugadzirisa zviri kunetsa.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachiona nezvezvirongwa zveCrisis Coalition in Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti zviri kuitika muMDC hamuna kugadzikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG